Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Munyaya dzeMitauro yeChivanhu Dzokurudzira Kukosheswa kweRurimi rwaAmai


Ignatius Mabasa
Ignatius Mabasa

Nyanzvi munyaya dzemitauro yemuZimbabwe dziri kukurudzira veruzhinji kuti vakoshese mitauro yemumatunhu avo mavanogara izvo zvinozoita kuti mumatunhu mavagere muve nebudiriro pamwe nemunyika yose.

Munyori ane mukurumbira munyika, Ignatius Mabasa, anoti zvakakosha kuti vanhu vave nechido chekusimudzira mitauro yavo kuitira kuti mitauro iyi ive nechiremera.

Ignatius Mabasa
Ignatius Mabasa

"Tinogona mitauro yeChirungu kudarika mitauro yedu. Asi hazvife zvakaita kuti munhu mutema asvike pakugashirwa nevachena vachiti wave mumwe wedu. Ngatirege kuita chipiti piti chekunopinda mune mamwe marudzi epasi rese tisingakoshese mitauro yedu," anodaro Mabasa.

Mabasa, uyo akapinda munhoroondo negwaro rePhD yake, rinova rekutanga kuitwa mururimi rweShona rinonzi "Chave Chemutengure Vhiri reNgoro: Husarungano neRwendo rweNgano dzeVaShona" anoti ruzivo rwakadzama kuburikidza nedzidzo mururimi rwamai rwunobatsira mukusimudzira hupenyu hwevanhu nenyika yavo.

"Vanhu vedu vanenge vasingade zvekuti titaure mazwi anotyisa anoratidza kuti takafunda. Fundo inofanira kushandura magariro nemararamiro evanhu kuitira kuti vave nehupenyu huri nani," anotsanangura Mabasa, uyo ane mabhuku anoti Tipeiwo Dariro, Mapenzi, Muchinokoro Kunaka nemamwe.

Muzvinafundo Nhira Mberi vepa University of Zimbabwe, avo vanova mumwe wevakashanda pakuburwa kwe Duramazwi reShona, vanoti ruremekedzo rwakapihwa Mabasa rwekuva nhangaruvanze pakushandisa mutauro wake pazvidzidzo zvake zvepamusorosoro, munongedzo mukuru wekukosha kwemitauro.

"Nyika dzose dzakabudirira dzakaita se Japan, Germany, China ne France dzinoshandisa mitauro yadzo, kwete yevamwe. Isu tisu tine dambudziko rekufunga kuti hatikwanisi nekuti hatina mashoko akakwana ekushandisa. Zvese izvozvo zvinogona kugadziriswa," vanodaro VaMberi.

Sachigaro weZimbabwe International Book Fair, VaMemory Chirere, vanoti mitauro yedu inofanirwa kukosheswa nekuti inogona kushandiswa munyaya dzebudiriro sezviri kuitika kudzimwe nyika.

"Kana mutauro wagadzira chinhu chinorumbidzwa chinoshandiswa pasi rese, naivo vanoutaura havanyari nawo. Iye zvino ukanzwa ma Japanese achitaura unongoti ndivo vaye vakagadzira mota inonzi Nissan kana Toyota. Isu tinonyara nemitauro yedu," vanodaro VaChirere.

Mumwe munyori ane mukurumbira munyika, Aaron Chiundura Moyo, anoti mitauro yerurimi rwamai ndiyo mireza yedu sevanhu vatema.

Aaron Chiundura Moyo
Aaron Chiundura Moyo

"Vatema kana tiri tega pasina varungu tinotaura nerurimi rwevamwe. Izvi zvinokonzerwa nekuzvidherera, nekuzvimhura, nekuzviona sevanhu venhando. Nyamba sekutaura kwakaita Maneto mubhuku rinonzi "Ziva Kwawakabva" hari yakaumba munhu yakamupa mutauro, kwete setsaona, kwete sebwoni asi kuti ataure mutauro iwoyo," anodaro Moyo, uyo ane mabhuku anoti Uchandifungawo, Ziva Kwawakabva, Nhamo Ine Nharo Nguwo Dzouswa, Ndabvazera nemamwe.

Mukuru we Voice of the People, Va John Masuku, vanoti ruremekedzo rwakapihwa Mabasa rwuchabatsira mukutambanudza mafungiro evanhu vatema pamusoro pemitauro yedu yechivanhu.

John Masuku
John Masuku

"Tsvagurudzo yakaitwa naVa Mabasa ichabatsira kuti tiyemure ndimi dzedu nekudzishandisa zvizere, kwete kungosanganisa sanganisa nekudzitarisira pasi. Hazvitifadzi tichinzwa kuti kuma university vanotoshaya vana vanouya kuzonyoresa kuti vari kuda kuita Shona kana Ndebele," vanodaro VaMasuku, avo vanove mutori wenhau ane mukurumbira munyika.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti hurumende inokurudzira kuti zvikoro zvese zvidzidzise rurimi rwaamai kuitira kuti panosvika gore ra 2030, Zimbabwe inenge yava nanamuzvinafundo vakawandisa vanenge vakaita zvidzidzo zvePhD mururimi rwaamai sezvakaitwa naMabasa.

Tanzania imwe yenyika yemuAfrica inoshandisa mutauro weSwahili mukuita zvidzidzo zve science and technology izvo zvinounza budiriro yakanaka munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG