Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vozeya Chibvumirano cheLancaster House Agreement


Lancaster House Talks

Veruzhinji vanoti kunyange hazvo chibvumirirano ichi chakange chisina kunaka chakabatsira kupedza hondo pamwe nekuunza hutongi hwevatema munyika.

Chibvumirano cheLancaster House Agreement, icho chakabuda munhaurirano dzakaitwa nemapato airwira hondo yerusununguko pamwe nehurumende dzeBritain neZimbabwe-Rhodesia, ndicho chakaunza rurunyararo nerusununguko munyika.

Veruzhinji vanoti kunyange hazvo chibvumirirano ichi chakange chisina kunaka chakabatsira kupedza hondo pamwe nekuunza hutongi hwevatema munyika.

Vakawanda munyika vanobvuma kuti donzvo guru renhaurirano dzeLancaster House Conference raive rekupedza kurwisana uko kwainge kwaipisa munyika pamwe nekuunza hutongi hweveruzhinji kuvatema.

Vanhu ava vanoti senguva dzese panoitwa nhaurirano dzakadai panoitwa makakatwana izvo zvinozoita kuti vanhu vasiyane nezvimwe zvavanenge vachida munhaurirano idzi.

Nhaurirano idzi dzakabunda nebumbiro rakashandiswa mukuumba Zimbabwe itsva muna 1980. Veruzhinji vanoti kunyange hazvo zvizvarwa zveZimbabwe zvaida ivhu, bumbiro rakabuda kuLancaster House raipa simba kuvachena kwechinguva pamwe nekusungira kuti vanenge vachida ivhu vatenge pasina anomakidzwa kutengesa purazi rake.

Mumwe mugari wemuHarare, VaTitus Shoko, vanoti pfungwa dzavo dzaive dzekuti panopera hondo vaizokwanisa kuenda kunorima, kana kugara pavanoda, asi izvi handizvo zvakaitika sezvo paive nemutemo weLancater House Constitution.

Asivanoti kunyange hazvo izvi zvisina kutika vanofara kuti nhaurirano idzi dzakaunza kuzvitonga kuzere uye ivhu rakadzoka kuvanhu kunyange hazvo paive nezvimwe zvisina kunaka.

Vanotiwo nyaya yekuti bumbiro reLanacster harina kunyatsogadzirisa nyaya dzeminda ndizvo zvakazokonzerawo kuti bumbiro iri risandurwe.

Mutauriri webato guru rinopikisa munyika, reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaOrbert Gutu, vanotiwo ichokwadi kuti kunyange hazvo Lancaster House yakapedza hondo, bumbiro iri harina kugadzirisa nyaya dzainge dzakatarisirwa neveruzhinji zvikuru panyaya dzeminda.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti semaonero avo bumbiro reLancaster rakakwanisa kugadzira nyaya huru dzakaendera vanhu kuhondo.

Mutauriri werimwe bato rinopikisa reMDC inotungamiririrwa naVaWelshaman NCube, VaKurauone Chihwayi, vanoti chimwewo chakabuda munharuririno dzeLancaster House ndechekuti vanhu vakwanise kuvhota kunyange hazvo sarudzo dzave kuitwa nenzira isingafadze veruzhinji munyika.

Vanoenderera mberi vachiti bumbiro iri rakaramba richipawo masimba kuvachena izvo zvakaita kuti varambe vaine zvigaro makumi maviri muparamende zvichitevera sarudzo dzemuna 1980.

Vanongorora zvematongerwe enyika, vachishanda vakazvimirira, VaFortune Gwaze, vanoti pane zvizhinji zvaitarisirwa neveruzhinji zvisina kuzoitika.

VaGutu vanoti kusandura bumbiro remitemo yenyika kwange kusina kushata asi shanduko zhinji yaitwa yange isinei nekugatsa ruzhinji asi kuti nekupa samba kuvashoma chete.

Mukuru weDemocractic Party, VaWurayayi Zembe, vanoti mutungamiriri wenyika nyika, avo vakava mutungamiriri wehurumende yeZimbabwe yekutanga muna 1980, VaRobert Mugabe, vakatadza kushandisa hwaro hwebumbiro reLancaster House kuvaka nyika zvinofadza veruzhinji munyika.

Vanoti kunze kwevhu pane zvizhinji zvaidiwa nevana veZimbabwe izvi zvakatadzwa kudziriswa naVaMugabe.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Muzvare Belinda Chinowawa, vanotiwo kunyange hazvo bumbiro reLancaster range risina kuti tsvikiti, vanofunga kuti kusandurwa kwaitwa bumbiro iri kanodarika gumi nekapfumbabwe kwange kwanangana nekudziririsa zvimwe zvange zvisina kunaka mubimbiro.

Asi imwe nhengo yeZanu PF, VaKindness Paradza, vanoti vakuru vavo vakaita zvakanaka chose vachiziva kuti kana nyika yava kuvatema, vaizogadzirisa zvakanga zvisiri muLancaster House Agreement.

Vamwewo vemapato anopikisa vanoti kunyange hazvo tariro yeveruzhinji yange iri yekuti nyika iite hutongi hwejekere kubvira pakapera hutongi hwevachena, izvi handizvo zvakazoitika uye makore makumi matatu nemanomwe nyika yawana hutongo hwevatema, munyika muchiri kuita sarudzo dzine mutauro, vanhu vachimbunyikdzwa pamwe nekushaiswa mukana munyaya dzemabhizimisi, dzidzo, hutano nezvimwe.

Musangano weLancaster House wakatanga musi wa10 Gunyana 1979 Lord Carrington, avo vaive gurukota rezvekunze muBritain yaitungamirwa naAmai Maragaret Thatcher, vari ivo sachigaro.

Musangano uyu waisanganisira vemapato airwira rusununguko ari kunze kwenyika, anoti Zapu yaitungamirwa namushakabvu Joshua Nkomo, Zanu yaitungamirwa naVaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vatema vaive mune zvematongerwo enyika vari munyika vanosanganisira Bishop Abel Muzorewa, ve UANC, VaNdabaningi Sithole pamwe chete nevaimbove mutungamiri weRhodesia, VaIan Douglas Smith.

Vanhu vaive pamusangano uyu vaive vanhurume chete, kunze kwemudzimai mumwe chete, Muzvare Thoko Siziba, avo vaimirira bato reZapu.

Musangano uyu wakapera uchivharwa naLord Carrington musi wa 15 Zvita, vanhu ndokubva vambozorora vomirira chibvumirano chakazosainwa musi wa 21 Zvita 1979.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG