Accessibility links

Breaking News

Vatengesi veHove Voita Mari Panotamba ZPC Kariba Pamba


Vagari vekuKariba zvikuru vanotengesa hove vanoti bhizinisi ravo rave kubudirira zvikuru nekuda kwevanhu vakawanda vave kutenga hove apo vanenge vachiuya kuzoona mitambo yebhora.

Mumwe wevamwe vanoti vave kuwana mari iri nani kubvira pakatanga kutambwa bhora rePremeir Soccer League (PSL) muKariba, VaFidelis Munava, vanoti hupenyu hwavo hwave nani sezvo vanhu vakawanda vanobva kunzvimbo dziri kure vari kuuya kuzotenga hove pavanouya kuzoona timu yavo ichitamba bhora.

Izvi zvinotsigirwa naVaKaitano Gweshe avo vanoti vakakwanisa kutenga nzvimbo yekuvaka imba yavo chinhu chavaisatarisira muhupenyu hwavo.

VaGweshe vanoti hove dzavo dzose dzinopera zvikuru sei kana matimu akaita seDynamos, Caps United kana FC Platinum achitamba ne ZPC Kariba muNyamhunga Stadium.

VaMunava vanoti vanokurudzira kanzuru yeKariba kuti vavape nzvimbo dzekutengesera zviri pamutemo kuti pavanotengesera pave panenge pachizivikanwa.

Mumwe mutsigiri weCaps United, Va Josphat Mwale, avo vakatenga hove vanoti kunyange timu yavo yakakundwa neZPC Kariba nezuro, vanofara kuti varova shiri mbiri nedombo rimwechete sezvo vavakubva nehove mushure mekuona mutambo webhora.

Vagari vakawanda vanotengesa hove pose panouya timu dzinenge dzichibva kunze kuzotamba mbora neZPC Kariba.

Vanotengesa hove vanoti pamasvondo maviri pamwedzi anotambwa mbora muKariba vanowana mari inosvika mazana masere emadhora kana zvichienzaniswa nemamwe masvondo maviri apo vanowana mari inosvika madhora mazana maviri chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG