Accessibility links

Breaking News

Chikumbiro chaAmai Mtetwa Chonzwikwa neMuvhuro


Amai Beatrice Mtetwa
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, vachagara mutirongo kusvika svondo rinouya mushure mekunge dare repamusoro rati richanzwa chikumbiro chavo chekuti vabvumidzwe kubvisa mari yechibatiso neMuvhuro.

Nyaya yaAmai Mtetwa yange ichafanira kunzikwa neChishanu asi izvi hazvina kuitika sezvo muchuchusi munyaya iyi, VaMichael Mugabe, vati vakawana mapepea echikumbiro chaAmai Mtetwa nguva yapera.

Vatiwo vakanonoka kuwana magwaro kubva kudare ramajisitireti nekudaro havana kukwanisa kunge vachipa divi ravo pachikumbiro chaAmai Mtetwa.

Asi kunyange hazvo VaMugabe vange vati vaikwanisa kupa divi ravo masikati kuitira kuti dare rizeye chikumbiro chaAmai Mtetwa, mutongi wedare, VaJoesph Musakwa, vati muchuchusi anofanira kupihwa nguva yakareba yekupa divi rake nokudaro dare richanzwa nyaya iyi nemusi weMuvhuro.

Rimwe remagweta aAmai Mtetwa, VaChris Mhike, vanoti mutongi wedare ati muchuchisi wehurumende anofanirwa kupihwa nguva yakakwana yekupikisa kana achida.

Amai Mtetwa vakasungwa nemusi weSvondo vachipomerwa mhosva yekuvhiringidza mapurisa apo aisunga nekusecha mahofisi emutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Dare ramajisitireti rakavanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso nemusi weChina richiti vaigona kutiza kana vakapihwa mukana wekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaMhike vanotiwo chikumbiro chekuti vashandi vemumahofisi aVa Tsvangirai avo vakasungwawo nemusi Svondo vabvise mari yechibatiso chichanzikwawo svondo rinouuya.

Vashandi vemumahofisi aVaTsvangirai vanosanganisira VaThabani Mpofu nevamwe vakasungwa vachipomerwa mhosva dzakati kuti dzinosanganisira kuferefeta huwori hwevamwe vakuru vakuru vehurumende vasina mvumo.

Mune imwewo nyaya, vemasangano anoshanda akazvimirira varatidzira kudare ramajisitireti kuRotten Row masikati vachiti Amai Mtetwa vaburitswe mujeri.

Vamwe varatidzira vanosanganisira mukuru weCombined Harare Residents Association, VaMfundo Mlilo, avo vanoti dare ramajisitireti ndiro rave kushandiswa kudzvanyirira vanorwira kodzero dzevanhu.

Kuratidzira uku hakuna kutora nguva yakareba sezvo mapurisa atandanisa vange vachiratidzira. Kunyange hazvo pamboita kukavadzana pakati pevanhu ava nemapurisa hapana asungwa pakuratidzira uku.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG