Vatori venhau pamwe nevashandi vemasangano ezvenhau vari kukurudzira hurumende kuti mumutemo uri kugadzirwa weZimbabwe Media Commission Bill uve nezvikamu zvinoita kuti mashandiro avo avandudzwe kuitira kuti vakwanise kuwana mihoro yakanaka kuti vararame zvakanaka.
Vachitaura pamusangano wekunzwa fungwa dzeveruzhinji muMasvingo kukomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko, vatori venhau vati bhiri iri rakasiya nyaya yakosha yekuti mashandiro avo agadziriswe vawane zvikwanisiro zvose kusanganisira mari yekutambira yakanaka nekuti vazhinji vavo vari kunonga svosve nemuromo.
Mutori wenhau anoshandira muMasvingo, Matthew Takaona, ati hurumende inofanira kuvandudza hupenyu hwevatori venhau mubhiri iri nekuita kuti pave nehomwe inopuwa masangano enhau munyika kuitira kuti ibetsere vashandi pamwe nemasangano enhau ayo anenge achiomerwa nenyaya yehupfumi hwenyika.
Mumwewo mutori wenhau, Tatenda Chitagu, ati hupenyu hwevatori venhau munyika hunosiririsa nekuti vanotambiriswa mari shona izvo zvino zopedzisira zvopa kuti vatori venhau vaite huori.
Mumweo mutori wenhau, Muzvare Martha Leboho, atsigira mashoko aya achiti bhiri iri rinofanira kugadzirisa hupenyu hwevatoru venhau uye kuvakoshesa sezvo vachiita basa guru munyika.
Vamwe vatori venhau vachema chema kuti bhiri iri harifaniri kuva nezvikamu zvinoita kuti vatori venahu vasungwe kana vari pabasa.
Nhengo yekomiti iyi ichimirira Mbizo muparamende, Va Settlement Chikwinya, vati ivo kwavafamba kwose vatori venhau vari kutaura kuti vanoda kuti bhiri rigadzirise mashandiro avo pamwe nemararamiro avo munyika
Zimbabwe Media Commission Bill ndemumwe yemitemo mitatu inoda kuvandudza mutemo weAIPPA inosanganisira Freedom of Information Bill neData Protection Bill.
Asi vatori venhau vanoti zvimwe zvikamu sezvekusungwa kwevatori venhau, kupihwa kwegurukota masimba rekupindira mukufambiswa kwebasa reZimbabwe Media Commission zvinoita kuti AIPPA idzoswe muchihwande yave nezita idzva.
Facebook Forum