Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Musangano weKP Ngauipe Mvumo Yekutengesa Mangoda


Musangano weKP uyu uri kutarisa zviri kuitika munyaya dzemangoda pasi rose.

Zimbabwe inoti iri kutarisira chinhu chimwe chete kubva kumusangano we Kimberley Process uyo watanga neMuvhuro muKinsasha kuDemocratic Republic of Congo chekuti ipihwe mvumo yekutengesa mangoda ayo pamisika yepasi rose pasina anoiongorora.

Musangano we KP uyu uri kutarisa zviri kuitika munyaya dzemangoda pasi rose. Asi nyaya ye Zimbabwe ndiyo iri kutarisirwa kutora nguva huru sezvo paine makakatanwa makuru.

Masangano akazvimirira ega nehurumende dzekumavirira dziri kuti Zimbabwe isapihwa mvumo yekutengesa pamadiro mangoda ayo pasina muongorori.

Asi dzimwe nyika dzakaita seIndia nenyika dzese dzemu Africa dziri kuti Zimbabwe yaita zvose zvinodiwa neKP kuti inge ichetengesa mangoda ayo isina anoiongorora.

Panodiwa kuti vanhu vese vabvumirane kuti Zimbabwe ipihwe mvumo yrkutengesa mangoda ayo yega.

Gurukota rezvemighodhi, VaObert Mpofu, nevamwe mubazi ravo, vakatoenda kuDRC kunopinda mumusangano uyu.

Mutevedzeri wavo, Va Gift Chimanikire, vaudza Studio7 kuti Zimbabwe iri kutarisira chete kunzwa kuti yava nemvumo yekutengesa mangoda ayo zvisina kuongororwa mukati.

XS
SM
MD
LG