Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoronga Kutengesa Mangoda ekwaMarange


Gurukota remigodhi, Va Obert Mpofu, vanoti dare remakurukota rakatsigira kutengeswa kwemangoda aya nechimbi chimbi kuitira kuti hupfumi hwenyika hugadzirisike

Zimbabwe inoti iri kuenderera mberi nekutengesa mangoda ayo ekwa Marange kunyange hazvo musangano we Kimberly Process wakaitirwa ku Tel Aviv ku Israel svondo rapera wakapera pasina kuwirirana kuti Zimbabwe yopihwa mvumo here kana kuti kwete yekutengesa mangoda ayo.

Gurukota remigodhi, VaObert Mpofu, vanoti dare remakurukota rakabvumirana kuita izvi neChipiri. Vati dare remakurukota rakatsigira kutengeswa kwemangoda aya nechimbi chimbi kuitira kuti hupfumi hwenyika hugadzirisike.

Va Mpofu vati nyika dzakaita seAmerica, Canada ne Australia ndidzo dzisiri kuda kuti Zimbabwe itengese mangoda ayo. Vati mangoda aya achatengeswa kuburikidza ne Minerals Marketing Corporation of Zimbabwe.

Asi rimwe gurukota risina kuda kudomwa nezita, rinoti ichokwadi kuti Zimbabwe inofanirwa kutengesa mangoda ayo, asi izvi zvinofanirwa kuitwa negwara rinotambirwa nepasi rose.

Gurukota iri ratiwo Zimbabwe haingatengese mangoda ayo pamukoto. Va Paul Rumema-Chimhosva inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda mu South Africa. VaChimhosva vati makurukota e MDC ari panguva yakaoma nenyaya yemangoda.

XS
SM
MD
LG