Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoda $10 Billion yeKusimudzira Hupfumi


Zimbabwe inoda mari inoita mabhiriyoni gumi emadhora kuitira kuti isimudzire hupfumi hwayo.

Izvi zvataurwa negurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, pakuvhurwa kwemusangano weConfederation of Zimbabwe Industries (CZI) uyo watanga muBulawayo neChitatu.

Chinangwa chemusangano uyu ndechekutsvaga nzira dzekudzivirira kuvharwa kwemakambani muguta iri pamwe nemamwe maguta ari munyika.

VaBimha vanoti vana veZimbabwe vanofanirwa kushandira pamwe chete mukutsvaga nzira dzekumutsiridza hupfumi hwenyika.

Vachitauravo pamusangano uyu, mutungamiri weCZI, VaCharles Msipa, vakurudzirawo hurumende kuti irwisane nemabasa ehuwori uyezve kuti ibatsire makambani zvikuru seyi emuBulawayo.

Meya weBulawayo, VaMartin Moyo, vaudzawo musangano uyu kuti kunyange kuine dambudziko remvura muBulawayo, guta iri harivhari mvura inoshandiswa nemakambani, nokudaro makambani anofanirwa kudzoka kuguta iri.

Musangano uyu uri kupera neChishanu uye uri kuitwa pasi pedingindira rekuti “Impreatives for Reversing De-Industrialization.”

Mumwe wevakuru vakuru musangano re Bulawayo Businesses Arise (BBA), VaGeorge Mukamba, vanoti vanovimba kuti musangano uyu uchabuda negwara richabatsira makambani munyika.
XS
SM
MD
LG