Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reWorld AIDS Day


Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva re World AIDS Day.

Hurongwa uhu hwaitirwa mumusha weChinotimba kuVictoria Falls. Vanga vari pahurongwa uhu vanosanganisira vamiriri vehurumende, masangano e National Aids Council, NCA, World Health Organisation, WHO, Safaids nemamwe.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mu NAC, Va Raymond Yekeye, vanoti zuva reWorld AIDS Day ravapa mukana wekutarisa kwavakabva mukurwisa chirwere cheshuramatongo uye kuronga ramangwana renyika.

Apo masangano mazhinji anga akaungana ku Victorial Falls vachicherechedza zuva re World AIDS Day, vechidiki vanotora mifananidzo muZimbabwe, vaunganawo muHarare pamuzinda weAmerica muZimbabwe vachiratidza mifananidzo yavo inotaura nezve HIV/Aids.

Vachitaura pamusangano uyu, vanoona nezvekudyidzana neveruzhinji kumuzinda weAmerica muZimbabwe, VaTim Gerhardson, vatenda vechidiki ava nebasa ravari kuita rekuwedzera ruzivo muvanhu pamusoro pedambudziko reHIV/AIDS. Vatiwo nyika yavo iri kubatsira neZimbabwe nemari yekushandisa mukurwisa chirwere cheshuramatongo.

Sangano re Safaids rinotiwo kunyange hazvo zvinhu zviri kuratidza kuva nani munyaya dze HIV/Aids, pachine basa guru rekugadzirisa dambudziko iri rinofanirwa kuitwa nehurumende yemubatanidzwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mu Safaids, Amai Tariro Chikumbirike, vanoti vatungamiriri venyika dzekuchamhembe kweAfrica, vanenge vari kuedza nepavanogona napo kupa mari yekurwisa chirwere ichi.

Muzvare Martha Tolana vanoshanda neZimbabwe Network for Positive Women. Muzvare Tolana vatiwo pachine ndima huru inoda kubatwa kuitira kuti vanhu vose vawane mishonga yemaARVs.

XS
SM
MD
LG