Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti VaMugabe Vatadza Kutonga Zvinogutsa Munhu Wese


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Zimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere musi wa18 Kubvumbi1980 mushure mekukunda kweZanu PF musarudzo dzakaitwa mushure mehondo yakasiya vanhu vakawanda vafa, misha mizhinji yaparadzwa pamwe nekukandwa mumajeri kwevanhu vatema vakawanda.

Kubva musi uyu kusvika pari zvino, nyika haina kumboita mumwe mutungamiri kunze kwaVaRobert Mugabe nebato ravo reZanu PF.

Mhemberero dzekucherechedza kusvitsa makore makumi matatu nemana ekuzvitonga dzichaitirwa kunhandare neNational Sports Stadium nemusi weChishanu muHarare.

Kunyange hazvo vamwe vachange vachipemberera zuva iri, vamwe vakawanda vanoti hapana chekupemberera sezvo zvinhu zvaipa kudarika zvazvaive muna 1980.

Vazhinji vanoti izvi zviri kukonzerwa nekushaikwa kwehutongi hwejekerere uko kwavanoti kuri kukonzerwa naVaMugabe nebato ravo reZanu PF.

Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Lynette Manzini, vanoti hapana chekupemberera nekuti munyika hamuna mabasa, vanhu havana dzimba uye hapana chinoratidza kuti nyika yakasununguka.

Muzvare Manzini vanoti kuchema chema kuri kuita veruzhinji munyika kunoratidzawo kuti VaMugabe nebato ravo havasi kukunda musarudzo dzese dziri kuitwa uye pane zvavari kuita kuti varambe vari pachigaro.

VaRas Mupamombe, avo vanogara mumusha weMufakose, vanotiwo semaonero avo sarudzo munyika dziri kubirwa kubvira muna 2 000.

Mumwe mugari, VaGodsway Shumba, vanotiwo zviri pachena kuti kunyange hazvo sarudzo dzaiitwa bato reMDC risati raumbwa dzainge dzakati chenei, kubvira muna 2 000 sarudzo dzange dzisiri kufamba zvakanaka sezvo VaMugabe nebato ravo vakatanga kushandisa simba remauto nedzimwe nzira kuti varambe vari pachigaro.

Asi mutungamiriri webato re Democractic Party, VaWurayai Zembe, vanoti VaMugabe nebato ravo vakatanga nyaya yekuponda nekushungurudza vemapato anopikisa kare apo pakakwikwidza mapato akaita seZimbabwe Unity Movement raitungamirirwa naVaEdgar Tekere avo vainge vadzingwa muZanu PF.

VaZembe vanot bato reZanu PF rinoramba richivhunditsira vanhu nenyaya yekuti bato iri nePF Zapu ndiwo akarwira hondo yerusununguko.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaBlessing Vava, vanoti hapana chinoshamisa pakurambira pachigaro kwaVaMugabe neZanu PF vachiti kubvira muna 1980 VaMugabe vaida hutongi hwebato rimwe chete uye izvi zvakazosimbiswa muna 1987 apo Zanu PF nePF Zapu zvakabatana kuve bato rimwe.

VaVava vanoti kubvira ipapo VaMugabe nebato ravo vari kuita zvese zvavanokwanisa kuitira kuti varambe vari pachigaro uye zvave kutoda kuti vemapato ese anopikisa neveruzhinji vashande pamwe mukuzvisunungura.

Vanoona nezvekurongwa kwemisangano mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanobvumirana naVaVava vachiti mutoro wekubvisa Zanu PF pachigaro wakaoma.

VaChamisa vanoti kunyange hazvo bato ravo rakakunda VaMugabe nebato ravo mune dzimwe sarudzo dzapfuura dzakaita sedzemuna 2008, VaMugabe nebato ravo vakaisa hwaro hunogona kuti vafirepo kana mapato anopikisa neveruzhinji vakasabatana nekushanda zvakasimba mukuunza hutongi hwejekerere.

Asi VaZembe vanoti izvi zvinokwanisa kuitika chete kana mapato anopikisa akabatana pazvokwadi vachiti MDC-T yakatambisa mukana uyu apo yakabvuma kushanda neZanu PF ichisiya mamwe pamapato muhurumende yemubatanidzwa.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanotiwo kubatana kwemapato anopikisa kunoapawo mukana mukuru wekukunda vakati izvi zvingadai zvakaitika musarudzo dzemuna 2008 na 2013.

Asi VaMudzengi vanoti makaro evatungamiri pamwe nekusarangongeko kwemapato aya ndiko kunoita kuti Zanu PF irambe iri pachigaro.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uyewo vaimbove nhengo yeMDC-T vakazoenda kuZanu PF, VaGabriel Chaibva, vanoti zviri pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi munyika asi vakati izvi zviri kukonzwerwa nevavengi venyika ino avo vakaitemera zvirango zvehupfumi.
XS
SM
MD
LG