Accessibility links

Breaking News

Mutengo weRopa Woderedzwa Mushure Mekupindira kweHurumende


Sangano reNational Blood Services kana kuti rinoti mari yavakawana kutanga kwegore rino kubva kuhurumende yakavabatsira kuti vadzikise mutengo weropa pamwe nekuti madzimai akazvitakura vano batsirirwa muzvipatara zvehurumende vawane ropa iri pachena.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, Muzvare Esther Masunda, vati NBS yakawana mari inoita mamiriyoni mana nemazana manomwe emadhora. Muzvare Masunda vati mari iyi ndiyo yakaita kuti vadzikise mutengo weropa kusvika pamadhora makumi mashanu papaindi imwe yeropa kubva pamadhora makumi masere muna Zvita.

Amai Masunda vati nekuda kwekudzika kwemitengo iyi vanhu vazhinji vave kukwanisawo kutenga ropa iri huye sesangango vari kutsvaga nzira dzekusimudzira huwandu hweropa ravanotengesa.

NBS ine mizinda mishanu inotengeserwa ropa inoti Harare, Bulawayo, Masvingo, Gweru neMutare. Muzvare Masunda vanoti nekuda kwemari yavakawana iyi vave kutsvakawo nzira dzekuti vawedzere mizinda inotengeserwa ropa iyi kuti veruzhinji vawanire ropa iri pedyo navo.

Munyori webazi rezvehutano, Dr Gerald Gwinji, vanotiwo vanhu vazhinji vanga vasiri kukwanisa kutenga ropa izvo zvinova zvakasunda hurumende kuti ibatsire nemari.

VaGwinji vanoti muono webazi rezvehutano ndewekuti mune remangwana ropa riwaniswe vanhu pachena. Vatiwo vari kutarisira kuti panozopera gore rino mutengo uye wadzika kusvika pamadhora gumi chete papaindi imwechete.

Sangano reNBS rinowana ropa pachena kubva kune vanobatsira asi vanoti kucheneswa nekuchengetedzwa kweropa iri kunoda mari zhinji uye havagoni kuderedza mitengo kusvika vawana anenge achivabatsira nemari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG