Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuita Dzidziso yeChirwere cheGomarara


Chirwere chegomarara chiri kuramba chichidzika midzi muZimbabwe uye vazhinji varikubatwa nechirwere ichi vari kuzoenda kuchipatara chatokomba.

Mumagwaro akabuditswa neZimbabwe Cancer Registry zvinoratidza kuti mugore ra2014 pavanhu zviuru mazana manomwe vakabatwa nechirwere ichi, vanhu zviuru maviri nemazana mana nemakumi manomwe nenhanhatu vakashaya.

Zvipatara zvehurumende zvinovheneka pamwe nekurapa chirwere chegomarara munyika yeZimbabwe zviviri chete: Parirenyatwa Hospital iri muHarare pamwe neMpilo Hospital ku Bulawayo.

Izvi zvinoreva kuti ruzhinji rwevanhu kunyanya vari kumaruwa vanofanirwa kukwira mabhazi kuenda kunotariswa chirwere ichi. VaShingi Bopoto munyori mukuru musangano rinounganidza vana chireremba reZimbabwe Medical Association (ZIMA) vanoti zvizhinji zvinokwaniswa kuitwa nehurumende kudzikisa kurasika kwehupenyu hwevanobatwa nechirwere chegomarara.

VaBopoto vachema chemawo nekushaikwa kweruzivo pamusoro pechirwere chegomarara vakakurudzira hurumende kuti ifambise mashoko zvakanyanya.

Amai Bernadette Ndoro mumwe wemachiremba anorapa chirwere chegomarara vanoti hutachiona hweHIV pamwe nezvava kudyiwa mazuva ano zvinowedzeredza chirwere chegomarara.

Amai Ndoro vanotiwo rimwe dambudziko panyaya dzegomarara inyaya yekuti parizvino Zimbabwe iri kusimbirira kurapa chirwere pachinzvimbo chekudzivirira.

VaMilton Chemhuru vanoshanda kubazi rehutano vakaudza Studio 7 kuti chirwere chegomarara chatekeshera huye vakati vazhinji varikufa nekunonoka kuonekwa.

VaChemhuru vati hurumende yave kutanga hurongwa hwekuzivisa vanhu zvechirwere ichi uye vakati kuzvipatara zvese zvehurumende vanhu vachange votariswa chirwere chegomarara.

Chirwere chegomarara rechibereko ndicho chakanyanyowanda, kuchitevererwa negomarara repanhengo yevanhurume kwozouya gomarara repamazamu.

Asi nyanzvi muchirwere ichi dzinoti gomarara repazamu ndiro rino nyanyorwadza zvikuru. Vanotungamira kurapwa kwechirwere ichi paParirenyatwa Dr Edwin Muguti vanoti chirwere ichi chinoda kukurumidza kurapwa chisati chakomba.

Vamwe vari kurwara nechirwere chegomarara vari kunetsekawo nenyaya yekushomeke nekudhura kwemishonga yekurapa chirwere ichi.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG