Accessibility links

Breaking News

Madzimai Matanhatu Akazvitakura Ofa paZuva muZimbabwe


Madzima matanhatu anenge akazvitakura ari kufa pazuva muZimbabwe nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvehutano.

Mashoko aya akabuditswa nesangano reUnited Nations Population Fund yakabatana nemuzinda weSweden muZimbabwe uye sangano ravananyamukuta reConfederation of Midwives Zimbabwe.

Izvi zvinotevera kubatana nemusi weChina kweZimbabwe nedzimwe nyika mukucherechedza zuva ravananyamukuta kana kuti International Day of the Midwife paine kurudziro yekuti hurumende iite mushandira pamwe nemasangano akazvimirira oga kuti adzikise huwandu hwemadzimai anofa pakusununguka vana.

Sangano reInternational Confederation of Midwives rinoti huwandu uhu hunokwanisa kudzikiswa kusvika nezvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana kana nyaya dzezvehutano dzikagadziriswa.

Sangano reUnited Nations Population Fund kana kuti UNFPA rati vananyamukuta vakakosha zvikuru mukuita basa rekusunungutsa madzimai. Sangano reNational Health Strategy rinoti muzvipatara zvehurumende, pane mabasa avana nyamukuta anosvika makumi masere kubva muzana anoda vanhu.

Vatiwo pane mabasa makumi matanhatu nemaviri evarairidzi vavananyamukuta.

Nyanzvi munyaya dzezvavananyamukuta muUNFPA amai Agnes Makoni vanoti zvakakosha kuti paitwe mushandirapamwe kugadzirisa nyaya dzehutano hwemadzimai akazvitakura. Asi vati zvinhu zviri kuita zviri nani.

XS
SM
MD
LG