Vanhu vakawanda pasi rino vari kubatana mukucherechedza zuva revanhu vane chirwere chegomararara kana kuti World Tuberculosis Day.
Gore rega rega musi wa 24 Kurume ndipo panocherechedzwa zuva iri. Pazuva roga roga, vanhu zviuru zvina vanofa nechirwere cheTB ichi kunyangwe chichikwanisa kurapika kana chikakurumidza kubatwa.
Zuva iri rinoshandiswa mukudzidzisa vanhu nezvechirwere chiri kuuraya vanhu vakawanda pasi rino ichi.
Dr Farai Ethel Chipendo chizvarwa cheZimbabwe chinoshandira kuAlegria vanoti zvakakosha kuti vanhu vanzwisise nezvechirwere ichi.
“Vanhu vashoma vanonzwisisa kuipa kwakaita chirwere ichi nekuti vanongofunga kuti chinorapika. Asi chikayera chakomba mumuviri kuchirapa kunonetsa.”
Munhu anokwanisa kubata TB kubva mumweya wekufema. Kazhinji chirwere ichi chinobata kunyanya varombo vari mumaguta vanogara munzvimbo dzakamanikidzana.