Accessibility links

Breaking News

Vanochengeta Nherera KwaMarange Vokumbira Rubatsiro


Mukuru wemusha unochengeta nherera kumaruwa ekwaMarange paBakorenhema Children’s Home arikuchema nenyaya yekushaya zvikwanisiro kuti vakwanise kuita mabasa avo nemazvo.

Musha uyu uri chinhambwe makiromita makumi matanhatu kumadokero eguta reMutare.

Amai Getrude Mabenga ndivo mukuru anoona nezvemusha mukuru uyu. Amai ava vanoti musha uyu uyo une vana vanosvika makumi matatu wakatarisana nezvinetswa zvakasiyana-siyana mukuti vakwanise kuti zvinhu zvivafambire mberi. Musha uyu uri pasi pechechi yeUnited Methodist. Amai Mabenga vanoti vari kuita mabhindauko akasiyana siyana ekuti vakwanise kuwanira chouviri vana vavanogara navo. Mabasa aya anosanganisa kuchengeta zvipfuyo zvakaita sehuku, mbudzi, nguruve, hanga, magarikuni nezvimwe.

“Project yehuku haisi kunyanya kuita viable uye nembudzi nekuda kwekuti hatina pakanaka pekuti tichichengetera, zvipfuyo izvi tinozvishandisa apo tinenge taita dambudziko rekushaya husavi hwevana ava, asi dambudziko guru nderekuti pekuzvichengetera hapana kunyatsotsarukana izvo zvinopa kuti zvibate zvirwere zvakasiyana siyana,” vakadaro Amai Mabenga

Amai Mabenga vanoti vakambowana nguruve dzekuti vachengete vachibatsirikana nevana vavainavo asi chinetswa chavo ndechekuti chikafu chekupa zvipfuyo izvi chiri kunetsa nekuda kwekuti nharaunda yavo hainayi mvura yakaringana yekuti varime chibage kana zvimwe zvekuti vazvitsvagire chikafu chekupa zvipfuyo zvavanazvo.

“Panguva ino ndiri kuchengeta nguruve zvekare dzandakapiwa nevesangano rePlan International izvo zvakayamura zvikuru musha uno pakuti tiwanire vana chikafu chenyama asi zvekudya zvenguruve zvave dambudziko zvakare rave kutemesa musoro”

Matron ava vanoti pamusha wavo vanoshushikana nekusavapo kweruzhowa rwakakodzera rwekuchengetedza vana vavainavo uye zvipfuyo zvavo kubva kumbavha dzinomborura munharaunda mavo.

“Pasecurity we are safe nekuti hhatina kana fence pamusha uno zvekuti hatizi kukwanisa kuita meet mastandards anodiwa neveSocial welfare, tine vana vari vulnerable saka panodiwa kuti vange vari safe from outsiders avo vangangopinda zvakare pamusha uno.”

Amai Mabenga vanoti vachichiri kuda kuti vakwanise kuwana mukana wekuti vaite sezvinodiwa zvose nesangano rinoona nezvekuchengetwa kwevana munzira yakakodzera.

“Zvikuruseyi challenge yangu pano ndeyekuti ndiite meet marequirements eHwerufeya parizvizvino ttichiri well below half; izvi zvinosanganisira kuti vana vange vaine pekurara pakanaka, vaine privacy, chikafu chakanaka, uye hutano hwakanaka nekuwanirwa batsiro nenguva kana paita urwere.”

Matron Mabenga vanoti vaida muchovha wekushandisa kuitira kumhanya mhanya pakaitika njodzi.

“Taida kuti kanaa tiine motokari yedu vana voendeswa kuchikoro kana kuchipatara paita hurwere kuti tivadzivirire kune vamwe vasina kutsrukana vasave exposed kune zvisakarurama sevana varivulnerable nechekare. Sezvazviri hatina pekutangira asi tikakwanisa kuwana batsiro yekusimudzira maprojects edu atiri kuda kuita tnokwanisa kuita zvakanaka uyezve tikawanazve batsiro kubva kunze, uuye nemuno macho.”

Musha uyu unoti une chishuwo chekuti utanga mabasa ekuitisa makosi nherera idzi anosanganisa kusona, kunama simbi, kuvaka, kuveza, kuruka misoro, kugadzira motokari, kurima nezvimwe.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG