Sangano re Zimbabwe National Network of People Living with HIV (ZNNP+) richishanda nebazi rezvehutano, National Aid Council uye vamwewo vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vakaparura gwaro rinodzidzisa zvakakoshera kuramba vanorarama nehutachiona vachinwa mapiritsi, mhando dzemapiritsi nezvaanogona kukonzeresa nerumwe ruzivo pamusoro pedenda iri.
Vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS pamwe nevanogara nevanorarama nehutachiona ava vakarumbidza gwaro rakaparurwa neChishanu vakati richabatsira vanorarama nehutachiona neveruzhinji kunzwisisa nezvechirwere ichi.
Bhuku iri rinonzi "A Manual to Support Community Antiretroviral Treatment Literacy in Zimbabwe" richabatsira nyika zvikuru muruzivo rwehutachiona hweHIV/AIDS.
Amai Angeline Chiwetani vanorarama nehutachiona uye vachishanda nesangano reWidows Foundation of Life vakataurira Studio 7 kuti gwaro iri rakakosha zvikuru kwavari sezvo richiwedzera ruzivo.
Gwaro rakaparurwa rinobatsira vanhu vanorarama nehutachiona kuti vakwanise kupangana ruzivo maererano nekumwiwa kwemishonga pamwe nemazita emishonga.
“Zvakaoma kuti umwe mushonga wausingazivi kuti unonzi chii kana kuti mapiritsi akapera wosvika pananamukoti wongoti ndiripachirongwa asi usingazive mapiritsi aunomwa.”
Mumwewo zvakare anorarama nehutachiona VaStanley Takaona vanotungamirira sangano reZimbabwe HIV/AIDS Activist Union Community Trust vanoti nguva yange yareba vachingotorwa sevarwere asi vakati kuburikidza negwaro iri zvave pachena kuti vave neruzivo pamusoro pehutachiona hwavave kugoveranawo nevamwe
“Gwaro iri richatibatsitra kuonekwa nemapartners ataishanda nawo kwemakore anosvika makumi matatu vaititora sevarwere kuti tavapo neruzivo.”
Amai Sibusisiwe Marunda mukuru weRegional Physcosocial Wellbeing for all children (Repssi) vakatsigirawo vakati gwaro iri richabetsirawo kupedza denda reHIV/Aids.
“Ririkutaura nezvekusupportewa kwevanhu vanorwara nekuti kungopa munhu mapiritsi chete hakuna kuringana. Zvikudawo kuti munhu adzidziswe nekuti anozvichengeta sei kana aripamapiritsi huye kuti awane rutsigiro rwakakwana tigokwanisa kupedza Aids muna2030”
Amai Cynthia Hove vanoshandawo nevanorarama nehutachiona vakaudzawo Studio 7 kuti pange paine dambudziko revaiiswa pamapiritsi vasinganyatsonzwisisi nezvedenda reHIV/Aids.
“Matambudziko atakaona aisanganwa nawo nevanhu vanorarama nehutachiona kunyanya vechidiki vamwe havanzwisisi kuti mapiritsi anonwirwei uye kuti unozvichengetedza sei kana uchirwara saka bhuku iri richaita kuti vakawanda vanzwisisekukosha kwekuramba vachinwa mapiritsi huye nemararamiro avangaite kuti vararame hupenyu huzere hwakafanana nemunhu wese.”
Chiremba Tsitsi Mutasa Apollo vebazi rezveutano nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana vakatsinhirawo vakati bhuku iri richabatsira nyika zvikuru muruzivo rwehutachiona hweHIV/AIDS.