Accessibility links

Breaking News

Makonye e"Armyworm" Odya Chibage kuMashonaland West


makonye e

Varimi vechibage munzvimbo yeMakonde mudunhu reMashonaland West vanoti goho ravo richakanganiswa zvakanyanya nekuda kwemakonye emhando ye"armyworm" ari kudya zvirimwa zvavo.

Mumwe murimi wekuMakonde VaEdmund Chiswa vanoti makonye ari mumunda mavo aparadza zvirimwa zvavo sezvo ari kudya mwoyo wembesa dzavo.

VaChiswa avo vakarima mahekiteya gumi nemashanu vanoti nekuda kwemakonye aya goho ravo richange rakadzikira zvichienzaniswa nezvavaitarisira.

Vanotiwo chavekunyanya kuipisa zvinhu inyaya yekuti makonye aya ave kuramba kufa nemushonga wakaita seDecis.

Mumwe murimi wekuKanyaga VaMisheck Mudzimu avo vanga vachitenga mushonga weCratap wekudzivirira makonye mumunda mavo vanoti kunyange vakakurumidza kuona makonye muminda yavo vashandi veArex vanonoka kuenda.

Mukuru weAgritex mudunhu reMashonaland West muzvare Edna Shambare vatenda kuti pane makonye ari kudya zvirimwa zvakaita sechibage asi vanoti bazi ravo riri kushanda usiku nesikati kuti makonye asapararire nenyika yose.

Muzvare Shambare vanoti makonye anodya zvirimwa anowanda mvura painombomira kunaya kuine zuva rakawanda.Vanoti vakaisa vanhu munzvimbo dzose kuti dzishande nevarimi kuti vauraye makonye achiri mashoma muminda.

Makonye anonzi akaonekwawo kumatunhu anoti Hurungwe, Sanyati neKadoma.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG