Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vochema Chema neKubatirwa Mari Zvisiri paMutemo neMabhanga


Apo mari iri kuramba ichinetsa munyika, vanhu vakawanda vanoti havasi kufara nekutorwa kuri kuitwa mari dzavo pavanenge vachitenga kana kubhadhara nemakadhi pamwe nekubhadhariswa imwe mari pamusoro kuti vawane mari muzvitoro nekuvashandi veEcocash.

Vanhu vakawanda vanoti vari kuita dambudziko kana vachibhadhara zvavanenge vatenga kana kuti zvikwereti nemakadhi avo anoratidza kuti hapana mari yabatwa asi bhangi ravo richiratidza kuti mari inenge yabviswa.

Vakawanda vanoti munguva dzekare, zvaitora mazuva maviri kuti vadzoserwe mari yavo asi parizvino zvave kutora mwedzi yakawanda.

Vamwe vari kupomera mabhanga aya mhosva yekunonoka kudzosa mari dzavo sezvo anenge achida kuishandisa.

Muzvare Evernice Murisa avo vanoti vainge vaine chikwereti chemubhedha kuTV Sales muChinhoyi vanoti vakabhadhara madhora makumi matatu avaifanira kubhadhara pamwedzi munaKukadzi asi muchina webhangi reSteward unoshandiswa neveTV Sales wakaratidza kuti mari yaramba kutorwa.

Pavakaedza kechipiri yakaratidza kuti yatora mari asi kubhangi ravo reStanbic yakaratidza kuti mari yatorwa kaviri.

Sezvo Muzvare Murisa vaibhadhara mari kekupedzisira vakaedza kuti vadzoserwe imwe mari yavo asi zvakavatorera mwedzi mishanu kuti vaiwane.

Muzvare Murisa vanoti vakatanga vanzi vanotora gwaro kubhangi kwavo rinoratidza kuti mari yainge yabviswa, ndokuzonyora tsamba kuTV Sales iyo yakazonyorawo tsamba kuStanbic vachibvuma kuti vadzoserwe mari yavo.

Mushandi weTV Sales asina kuda kudomwa nezita anoti nekuda kwekuti muchina wavanosevenzesa ndewe rimwe bhangi zvinotora nguva kuti mabhangi maviri aya awirirane pamari inenge yabva kune rimwe bhangi, isina kusvika kune rimwe.

Kunetsa kwemari munyikawo kwave kukonzera kuti vamwe vanhu vatengese mari zvisiri pamutemo.

Amai Mavis Mutyora avo vanotengesa hove vanoti chanyanya kunetsa munyika ndechekuti mari yavakutengeseranwa pakati peavo vane mari nevane mari iri mukadhi izvo zvichaita kuti dambudziko rekushaikwa kwemari rinetse kupera.

Vashandi veEcocash vari kuti munhu anoda mari kwavari anofanirwa kubvisa imwe mari pamusoro peyaanofanirwa kubhadhara.

Mumwe wevari kubhadharisa mari yepamusoro ndiVaKizito Mbasera vekuChinhoyi. VaMbasera vanoti nekuda kwekuti vanhu havasi kuuya nemari iri musvo vari kumanikidzwa kutsvaka mari yemukoto izvo zvinozoita kuti vade imwe mari pamusoro.

VaMbasera vanoti vanomanikidzwa kutenga mari kuti varambe vari mubhizinisi.

Izvi zvatekesherawo muzvitoro zvikuru zvakaita seTM ne OK umo vanotengesa vari kutora makadhi evanhu varikuda mari vachiashandisa pane mutengi anenge achishandisa mari ivo voshandisa kadhi vozopihwa mari.

Pamadhora gumi avanowanira muridzi wekadhi vanopiwa dhora, pamadhora makumi maviri vanopiwa madhora maviri zvichingodaro.

Gwaro reWorld Bank rakabuda muna Chikumi rinonzi: Zimbabwe Economic Update-The State in the Economy rinoti dambudziko remari munyika richanetsa kupera sezvo rakakonzerwa nehurumende iyo yavekurarama nemari yekukwereta.

Gwaro iri rinoti hurumende ine dambudzikowo rekushandisa mari zvisina mwero.

Izvi zvatsigirwa nenyanzvi munyaya dzezvezvehupfumi Doctor Godfrey Kanyenze avo vanoti hurumende yakakwereta mari yakawandisa kumabhangi izvo zvopa kuti asare asina mari yekupa vanhu.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG