Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Kuti 2017 Richava Gore Rakaoma Zimbabwe Ikasavandudza Zvinhu


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Gore rapera ra2016 igore range rakaomera vazhinji pamwe nehurumende. Munyika makaita dambudziko rekushomeka kwemari zvakapa kuti bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe riparure mari yemabond notes asi asiri kubatsira kugadzirisa dambudziko iri.

Hurumende yaitadza kubhadhara vashandi vayo mihoro paine nguva uye nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nematongerwo enyika dzinoti vanhu vanofanira kusunga dzisimbe nekuti 2017 igore richange rakaoma kudarika gore rapfuura.

Hupfumi wenyika hauna kukura sezvange zvakatarisirwa uyewo mari yaitarisirwa kuwanikwa nehurumende yakadzikira zvakanyaya mugore richangopfura.

Hurumende yakashandisa mari yakwanda kudarika mari yaya kawana izvo zvakaita kuti isare iine chikweretti chemadhora anodarika bhiriyoni.

Zvikamu makumi mapfumbamwe nezviviri kubva muzana zvemari yehurumende zviri kuenda kumihoro yevashandi izvo zvopa kuti zvinhu zviomere hurumende.

Kunyange hazvo hurumende yakadzika mutemo unorambidza kupinda munyika kwezvinhu zvinogadzira muno kana kuti Statutory Instrument 64, nyika iri kuramba ichitenga zvinhu zvakawanda kunze kudarika zvainotengesa nekuda kwekuti maindasitiri haasi kushanda zvakanaka.

Izvi ndezvimwe zvinonzi zvakakonzera kushaikwa kwemari munyika zvikazoita kuti Reserva Bank of Zimbabwe iunze mhando yemari yemaBond Notes muna Mbudzi wegore rapera.

Mubhajeti ravo regore rino, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nechikamu chimwe nechidimbu kubva muzana (1.7percent)

Vanonoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti ramangwana reZimbabwe harina kujeka nekuti zvese zvakakanganisika muna 2016 pamwe nevakazvikanganisa vachiripo uye havana shanduko yavari kuita.

Vanoti vano bvumirana nemaonero emasangano akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank ekuti hupfumi hwenyika hucharamba huchidzikira mugore rinouya.

Vanotiwo kunyange hazvo VaChinamasa vane matanho avakaparura mubhajeti regore rinouuya ekukwezva vekunze kuti vauye kuzosima mari yavo muno pamwe nekusimudzira mabhizimisi havawoni izvi zvichiiitika nekuda kwezvikonzero zvekunetsa kwemari.

Vanotiwo zvikwereti zveZimbabwe kumasangano akaita se World Bank, African Developement Bank nedzimwe nyika ndizvowo zviri kutadzisa nyika kuwana mari yekusimudzira maindasitiri ayo.

VaKuchera vanoti havaoni vemabhanga, masangano nenyika dzekunze vachisunungura homwe nekuti hurumende yeZimbabwe inoratidza kuti haisati yazvipira kuita zvinodiwa kuti ikwanise kutanga kukwereteswa mari.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa, vano bvumirana naVaKuchera vachiti kuti Zimbabwe ikwanise kuwana rubatsiro rwemari inofanira kutanga yabhadhara zvikwereti zvayo.

Vanoti pari zvino Zimbabwe haikwanisi kubhadhara zvikwereti zvayo zvino darika mabhiriyoni gumi emadhora nekuti maindasitiri ayo haasi kushanda uyewo n nyaya yehuwori mukutengeswa kwezvicherwa.

VaJohwa vaudza Studio 7 kuti nyaya yemitemo isina kujeka pamwe nemakakatanwa ari mubato riri kutonga reZanu PF ndizvo zvimwe zviri kuvhiringa hupfumi hwenyika.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute of Zimbabwe, Dr Pedzisayi Ruhanya, vanotiwo nyaya dzematongerwo enyika asina kumira zvakanaka munyika zvikuru sei muZanu PF ndidzo dziri kuita vekunze vasauye munyika pamwe nekuti mabhizimisi emuno asashande zvakanaka.

Vanoti semaonero avo kurwisana muZanu PF kuchaenderera mberi mubato iri gore rinouuya izvo vati zvichavhiringidza hupfumi zvakanyanya.

Kunze kweizvi, munyori anoona nezvehupfumi mubato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai vachimirira Hatfield mudare reparamende, Dr Tapiwa Mashakada, vaudza Studio 7 kuti huwori ndiwo humwewo huri kuvhiringa mabasa ezvehupfumi munyika.

Vanoti kana nyaya iyi ikasagadziriswa havawoni chinosanduka munyaya dzehupfumi mugore rinouuya.

Asi vanomirira rimwe sangano remabhizimisi reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu vanoti vanoona sekuti gore rinouya rinenge rakanaka nekuda kwemitemo yakadzikwa nehurumende zvikuru sei mutemo wekudzivirira zvimwe zvinogadzirwa kunze westatutory instrument 64 pamwe nekushandiswa kwemaBond Notes.

Asi vanoti dambudziko rekushomeka kwemari rinofanira kugadziriswa.

Asi VaJohwa naVaKuchera vanoti maBond Notes haana zvanobatsira uyewo hurumende iri kutadza kutobhadhara vashandi vayo zvisinei nekuti pave kushandiswa maBond Notes.

VaMashakada vanoti zvinosuwisa kuti vashandi vazhinji vehurumende vakatamba Kisimusi vasina mari dzavo vachiti kana maBond Notes acho haasikuwanikwa.

Asi vanomirira Highfield West mudare reparamende VaPsychology Mazivisa veZanu-PF vanoti zvirango ndizvo zviri kupa kuti hupfumi hwenyika hugwadame.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi nematongerwo enyika dzinotiwo nyaya yesarudzo dzichaitwa muna 2018 ndiyo ichavhirindidza nyaya dzehupfumi uye vanofunga kuti vakunze nevamabhizimisi vanogona kumirira kusvika sarudzo idzi dzaitwa vasati varonga kuti vasime mari yavo munyika.

VaChinamasa vanoti hurumende yavo inoda chose kugadzirisa hukama hwayo nenyika dzepasi rese pamwe nemasangano akaita seWorld Bank neIMF uye ndosaka yakaumba hwaro hwekuti ingabhadhare zvikwereti zvayo sei kumasangano aya nedzimwe nyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:10:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG