Dambudziko rekushomeka kwemari munyika riri kuramba richikura zvopa kuti vanhu varare kwemazuva akawanda vari panze pemabhanga vakamirira kuti vatore mari mumabhanga.
Vanhu vari kunze kwenyika vari kutumira mari kuZimbabwe neMoneygram, Western Union neMukuru vari kushayawo mari mumabhanga.
Reserve Bank of Zimbabwe inoti kushandiswa kwemari chaiyo mukuita mabhizimisi kwadzika nezvikamu zvisere kubva muzana kubva pa mabhiriyoni mashanu nezviuru mazana matatu kusvika pamabhiriyoni mana nezviuru mazana mapfumbamwe.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti dambudziko rekushomeka kwemari rakanyanya kukonzerwa nehurumende payakazivisa kuti yave kuzoparura mabond notes mwedzi uno.
Vanhu vakawanda nekushaya chivimbo nemari yemabond notes vabva vatanga kuita chipatapa kuenda kunotora mari dzavo mumabhanga.
Vaimbova gurukota rezvehupfumi Tatendai Biti vanoti hurumende iri kutadza kufambisa nyaya dzemari zvakanaka.