Accessibility links

Breaking News

Nyaya yemaBond Notes Yokonzera Mutauro muNyika Magweta Achienda kuMatare


Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.

Mamwe magweta munyika achishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti ari kuzoenda kumatare vachinopikisa mutemo wakashandiswa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe wekuti Reserve Bank of Zimbabwe riparure mari yemabond notes.

VaMugabe vakashandisa masimba avo neMuvhuro kudzika mutemo wekuti mabond notes aya achitanga kushanda. Asi magweta anoti iri ibasa reparamende.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Veruzhinji muHarare vanoti havasi kufara nehurongwa hwehurumende kweparura kushandiswa kwema bond notes mwedzi uno vachiti pane mukana wekuti vacharasikirwa nemari dzavo dzagara dziri mumabhanga.

Asi vamwewo vanoti idanho rakanaka riri kutorwa nehurumende. Vamwe vagari vemuHarare vakaita saAmai Christine Chabikwa vanogara muWestgate muno muHarare vanoti havasi kufara ne hurongwa uhwu.

Amai Chabikwa vanoti varikutyira kuti vangangoruza mari yavo iri mubhanga kana ma bond notes akatanga kushandiswa.

Izvi zvatainhirwa naMuzvare Talent Mugoni avo vati vanogara kuDzivarasekwa.

Amai Fildah Chiware vanogara muMabelreign vane chitoro chiri mudhorobha. Amai Chiware vati vanowona sekuti kushandiswa kuti kuda kuitwa mabond notes nehurumende kubirana kuri pachena.

Asi mumwe mugari weku Ashdown Park, VaGarikai Govero vati vari kutambira ma bond notes aya vachiti zvakakosha kuti nyika ivewo nemari yainoti ndeyayo. Bhanga guru renyika reRBZ rinoti ma bond notes achatanga kushanda mwedzi uno mushure mekunge vashambadzira kuwunzwa kwawo kuitira kuti veruzhinji vanzwisise nezvawo.

Gavhuna webhanga iri, VaJohn Mangudya vanoti mabond notes achaehandiswa senzira yekukurudzira kuti vanhu vatengese kunze kwenyika kana kuti export incentive.

Varikupikisana nehurongwa uhwu vanoti hurumende iri kuedza kudzosa mari yemuZimbabwe nerweseri.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG