Accessibility links

Breaking News

VaHungwe Vanoramba Kupindura Mibvunzo yeVatori veNhau


A protester holding a U.K. flag is arrested by police officers during the 24th anniversary of Hong Kong handover to China at a street in Hong Kong.
A protester holding a U.K. flag is arrested by police officers during the 24th anniversary of Hong Kong handover to China at a street in Hong Kong.

Gurukuota redunhu reMasvingo, VaJosiah Hungwe, varamba kupindura mibvunzo yevatori venhanu pavabvunzwa kuti seyi bato ravo riri kumanikidza vanhu kuti varatidze ma serial numbers anoratidza kuti vanyoresa.

VaHungwe, avo vadaidza vatori venhau kumahofisi avo vachida kuvaudza nezvezvirongwa zvehurumende zvekusimudzira dunhu reMasvingo, varamba kupindura mibvunzo ine chekuta nezvekutyisidzirwa kwevanhu neZanu PF vachiti vange vachida kutaura nezvebudiriro mudunhu chete.

VaHungwe varatidzwawo kutsamwiswa nemibvunzo yavabvunzwa neStudio7 mushure mekubvunzwa kuti vanotarisira sei kuti vemabhizimusi ekunze vauye munyika iri bato ravo richipomerwa nyaya dzekutyora kodzero dzevanhu, uye kushandisa mauto kuti rikunde.

"Unyore, hatidi kuhwa izvozvo, tinoda kuhwa progress chete asi vanhu vose vakanzi huyai na President muzoita zvamunoda kuita zvebusiness, saka izvozvo musatora zvinhu zvekubhawa muchiuyisa kuno uku, this is a civilized press conference," vadaro VaHungwe.

VaHungwe varamba zvakare kupindura vatori venhau mimwe mibvunzo vachiti vanoda kutaura zvine pundutso nebudiriro kunyange vamwe vazama kutaura kuti budiriro inodyidzana nezvenoitikika munezve matongerwe enyika.

Vachitaura zvavadaidzira vatori venhau, VaHungwe vati mamwe makambani ekunyika yeChina avakoshiwa mazita, ari kuuya kuzovaka dhorobha idzva richavaguru mudunhu reMasvingo pedyo nedhamu reTokwe Mukosi uko kunonzi kuchauya vashanyi vekunze kwenyika.

"The Chinese have come with plan to build a town, vakatoendako zuro kundoona kuti tingarivaka sei, zvazvinoreva makamboendako, kubva pa dhamu kusvika kuNgundu dzinenge dziri dzimba chete, kuchavakwa ma golf course, hospitals , schools zvose , this is a big project ende kune vamwe vari kuti tiri kuuya ikoko tinoda kuzoita zvakati kuzoita ma airports we suggested two places this air strips and Buffalo range, anenge ari ma international airports, hatichaendi kuHarare , hamuchationiko," vadaro VaHungwe.

Asi nyanzvi mune zvematongerwe enyika dzinoti VaHungwe nevamwe vavo muZanu PF vave nemakore vachingovimbisa budiriro asi pasina chinobuda kunyanya pazvirongwa zvinoitwa nemakambani ekuChina.

Nyanzi idzi dzinoti VaHungwe pamwe nehurumende yeZanu PF vakaita makore makumi matatu nemanomwe vari muhurunde yaVaRobert Mugabe, avo vakabviswa panyanga gore rapera, vachingoita vimbiso dzakadai pasina chinobuda.

NeChipiri, vaimbova gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, avo vakaitwa sachigaro webhodhi reSpecial Economic Zones Authority, vakaudza paramende kuti bhodhi ravo pamwe nekambani yakaumbwa gore rapera iyi, hava mahofisi ekushandira uye havazivi kuti vari pasi pebazi ripi.

Vakatiwo hapana kana mari yavari kuwana kubva kuhurumende, kunyange hazvo bhodhi ravo richifanirwa kunge richikwezva vemabhizinesi vekunnze vanoda kutanga mabhizinesi munyika.

Nyika zhinji dzekumadokero dziri kuvimbisa kuzopinda munyika kuita mabhizimusi kana hurumende iripo yaita sarudzo dzakachena dzisina mutauro, asi mhirizhonga pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevano vhota zviri kuwanda munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG