Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voziya neNzara kuManicaland


Amai Mejury Tererai
Amai Mejury Tererai

Vanhu vakawanda mudunhu reManicaland vanoti vakatarisana nenzara inotyisa sezvo zvirimwa zvavo zvisina kuita zvakanaka nepamusana pekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Vanhu vakawanda mudunhu reManicaland vanoti vakatarisana nenzara inotyisa sezvo zvirimwa zvavo zvisina kuita zvakanaka nepamusana pekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Vagari vekuMarange, Chakohwa pamwe nekuHotsprings mudunhu re Manicaland vanoti vava kurarama nemichero yemusango.

Mumwe wevagari ava, VaTimothy Sigauke vemudunhu rekwaChakohwa, vanoti havasati vatanga kuwana rubatsiro rwezvekudya mudunhu ravo.

Mumwe mugari wekuMarange, VaElisha Chibuwe, vanoti vari kurwadzikana zvikuru nevana vari kutadza kuenda kuchikoro nepamusana pekushaya chekudya.

Kunyange hazvo hupfu huri kuwanikwa muzvitoro zvemunharaunda iyi, Muzvare Abigail Chibuwe vanoti havana mari yekutenga hupfu hwemuzvitoro uhwu.

Nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti kuchinja kwemamiriro ekunze ndiko kuri kukonzera kusanaya kwemvura zvakaringana, uye kupisa kwakanyanyisa kuri kusiya zvirimwa zvizhinji zvatsva.

Nyanzvi idzi dzinoti kupisa kwakanyanyisa uku, kana kuti El Nino, hakusati kwamboitika muZimbabwe kwemakore makumi manomwe nemashanu, uye kuchasiya goho regore rino rakadzikira zvakapetwa kaviri zvichienzaniswa negoho regore rapera.

Hurumende inoti vanhu vanosvika mamiriyoni matatu munyika vanoda rubatsiro rwezvekudya,asi nekubooka kwehomwe yenyika, Zimbabwe, iyo inoda mari yechikafu inosvika bhiriyoni nemazana mashanu emamiriyoni emadhora, inogona kutadza kupa chikafu vese vanoda rubatsiro.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatara nzara sedambudziko rakaipisisa munyika vakakurudzira masangano anobatsira kuti abatsire nepaanogona napo pose kuwanira vanhu chikafu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG