Accessibility links

Breaking News

South Africa Yopikisa Mutongo Unoisungira Kuferefeta Vakuru Vakuru muZimbabwe


Mapurisa emuSouth Africa akwira kudare reConstitutional Court achipikisa mutongo wakapihwa nedare reSupreme Court munyika iyi wekuti hurumende yeSouth Africa iferefete nekusunga vakuru vakuru muZimbabwe vari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzezvizvarwa zveZimbabwe.

Nyaya iyi yakakwidzwa kudare nemasangano anorwira kodzero dzevanhu anoti South African Litigation Center pamwe neZimbabwe Exiles Forum.

Masangano aya akaita ongororo akabuda negwaro rinoratidza kuti vakuru vakuru vehurumende yeZimbabwe vane chekuita nekutyorwa kwekodzero dzenhengo dzeMDC-T muna 2007.

Asi mapurisa emuZimbabwe haana kusunga vari kupomwerwa mhosva idzi.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu aya anoti South Africa senyika yakaisa runyoro rwayo pachibvumirano cheRome Statute pasi peInternational Criminal Court nokudaro inofanira kusunga vanhu ava.

Asi gweta remapurisa emuSouth Africa, VaJakobus Meier, vanoti chibvumirano cheRome Statute hachishande panyaya iyi nekuti Zimbabwe haina kuisa runyoro rwayo.

Muchuchusi mukuru weZimbabwe, VaJohannes Tomana, vanoti kutevedzera zviri kubva kumatare emuSouth Africa kunogona kukanganisa hukama hwenyika mbiri idzi vachiti Zimbabwe haisi dunhu reSouth Africa.

Hatina kukwanisa kubata VaTomana zvakare.

Asi gweta uye vari mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti South Africa inofanira kusunga vanotyora kodzero dzevanhu vakapinda munyika iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG