Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero Vosimudzira Kutsvagwa kwaVaDzamara


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Shamwari dzemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vakapambwa vakatsakatika muna 2015, dzinoti vatanga chirongwa chekubatsirana nemapurisa kutsvaka vangave neruzivo nekushaikwa kwaVaDzamara.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, neMuvhuro vakaburitsa mashoko ekuti vane ruzivo nekuna VaDzamara, vazivise mapurisa.

VaCharles Nyoni imwe shamwari yaVaDzamara vanoti vari kuungana zuva nezuva muAfrica Unity Square nemifananidzo yaVaDzamarakuti vabatsirane nemapurisa kubvunza veruzhinji kana pane akamboonawo murwiri wekodzero uyu.

VaNyoni, avo vanoti vakatanga kuungana uku neChipiri, vatiwo pari zvino vawana mazita ari kutenderera evanhu vari kunzi vakapamba VaDzamara huye vachange vachiendesa mazita aya kumapurisa panopera zuva ranhasi kuti zviongororwe kuti ndivanani huye vane zvavanoziva here mukutsakatika kwaVaDzamara.

Mumwe wevari kuungana muAfrica Unity Square, Mufundisi Patrick Mugadza, vaudzawo Studio7 kuti kunyange hazvo mapurisa vakanonoka kutsvaka VaDzamara vakashaikwa makore matatu apfuura vanoti vane tarisiro kuti hurumende itsva yaVaMnangagwa ichakoshesa kuwanikwa kwaVaDzamara.

VaMugadza vari kutiwo vanoda kuti hurumende isagumire pakutsvaka vaDzamara chete asi kuti itsvakewo vamwe vakatsakatika muZimbabwe vakadai sana Paul Chizuze, Patrick Nabanyama nevamwewo.

VaMugadza vatiwo zvekuti vanhu vanongotsakatika munyika hazvifanirwi kudzokororwa zvakare.

Shamwari dzaVaDzamara idzi dzinoti vachange vachiungana muAfrica Unity Square kubva nguva dza 1 kusvika 2 masikati kusvika hurumende yazivisa kuti zvii zvingave zvakaitika kuna VaDzamara.

VaDzamara vakapambwa vachigerwa musi wa 9 Kurume 2015 nevanofungidzirwa kuti vasori vehurumende munguva yehutongi hwevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG