Accessibility links

Breaking News

Vatyairi Vopomerwa Mhosva yeKukonzeresa Tsaona Zhinji muMigwagwa


Tsaona dzemumigwagwa dzinonzi dziri kuramba dzichiwanda muZimbabwe zvichikonzerwa nevatyairi

Tsaona dzemumigwagwa dzinonzi dziri kuramba dzichiwanda muZimbabwe izvo zviri kutora hupenyu hwevanhu vakwanda, pamwe nekuremadza vamwe.

Vanoona nezvemafambisiro edzimotokari asina njodzi, veTraffic Safety Council, vanoti tsaona zhinji dziri kutora hupenyu hwevanhu dziri kukonzerwa nekukanganisa kwevatyairi kana kusaremekedza kwavo mitemo yepamugwagwa.

Vanotaura vakamirira boka iri, VaTatenda Chinoda, vanoti vatyairi vazhinji vanofunga kuti kufambisa motokari ndizvo chete zvinodikanwa pamugwagwa, vachikanganwa kuti zviripo zvizhinji zvinofanira kuteedzerwa motokari isati yafamba.

VaChinoda vanotizve pane vamwe vanokurudzira vatyairi kuti vamhanyise dzimotokari kana mabhazi, izvo zvinoisa hupenyu hwevamwe vanoshandisawo migwagwa munjodzi.

“Dzicharamba dzichiitika kana vanhu vasingabvumi kuti tsaona dzemumigwagwa dzinokonzerwa nekukanganisa kwavo kana kwemutyairi,” vanodaro VaChinoda.

VaChinoda vanotiwo mukuwongorora kweboka ravo, vanoona kuti kukanganisa kwevanhu kana vatyairi kwakakonzera tsaona dzinoita makumi mapfumbamwe neina kubva muzana mutsaona dzegore rino.

Hurukuro NaVa Tatenda Chinoda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG