Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chinoongorora HIV Muropa reVanhu Choitwa Husiku


FILE - A doctor draws blood from a man to check for HIV/AIDS at a mobile testing unit.

National AIDS Council kana kuti NAC inoti ine hurongwa kwekuti chirongwa chayo chekuongorora vanhu hutachiwana munguva dzehusiku chipararire nenyika munguva pfupi inotevera.

Sangano iri rinoti ratora danho iri mushure mekunge veruzhinji vafarira chirongwa ichi munzvimbo dzakaita seEpworth muHarare nekuBulawayo.

Mukuru anoona nezvekuongororwa kwezvirongwa musangano iri, VaAmon Mpofu, vanoti chirongwa ichi, icho chakatangwa munzvimbo dzine hutachiwona zvakanyanya, chakanangana nevanhu vaye vane mukana wakanyanya wekubata hutachiwana uyewo vaye vanenge vari kumabasa masikati apo sangano iri pamwe nemamwe masangano anoita zvekungorora vanhu nekuvadzidzisa nezveHIV.

Vachitaura pamusangano wevatapi venhau wange vakwarongwa nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaMpofu vati chirongwa ichi chakanangana nevanhu vakaita sevanorarama nekuita mabasa epabonde, vachairi nevakokeri vemabhazi nemakombi pamwe nevaya vanochera ghoridhe mimighodhi midiki kana munzizi.

Vati chirongwa chiri kuitwa neNAC, bazi rezveutano pamwe nemamwe masangano ari mubasa rekurwisana neHIV chakaratidza kuti pane vamwe vakawanda vanoshaya mukana wekunoongororwa kuti vane hutachaiwana nguva dzemasikati sezvo vanenge vari kumabasa. Zvipatara nemakirinika mazhinji munyika hazvishandi husiku.

VaEmmanuel Gasa vesangano reAIDS and Art Foundation vanoti chirongwa cheNAC chakanaka chose uye vanochitambira nemufaro.

Chirongwa ichi chinouya apo pane humbowo hunoratidza kuti vanhu vakawanda muZimbabwe varikuenda kunongororwa hutachiwana.

Humbowo kubva kuNAC hunoratidza kuti zvikamu zvinodarika makumi manomwe kubva muzana zvevanhu mumatunhu ese munyika zvave kuziva pazvimire maererano neHIV.

Chirongwa chekungorora vanhu husiku munyika yese chinotarisirwa kuwedzera huwandu hwevanhu vanoenda kunoongororwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG