Accessibility links

Breaking News

Paramende Youdza Nhengo dzeBhodhi rePSMAS Kusiya Basa?


Komiti yeparamende inoona nezvehutano inoti nhengo dzese dzebhodhi rekambani yePublic Service Medical Aid Society, PSMAS, dzinofanira kudzingwa basa uye dzotongwa nemhosva yekusashandisa mari yeveruzhinji zvakanaka apo dzaitambirisa vakuru vakuru vekambani iyi mari dzakakurisisa asi iyo kambani iyi ichitadza kubhadhara mamwe makambani ayaishanda nawo.

Vachitaura nevatori venhau, sachigaro wekomiti iyi, Amai Ruth Labode, vashora kunyarara kwebazi rezvehutano panyaya iyi vachiti kuendeswa pamudyandigere kwevaive mukuru wekambani iyi, VaCuthbert Dube, nasachigaro webhodhi rePSMAS, Amai Meise Makeletso Namasasu, hanzvina kukwana asi kuti panofanira kutorwa matanho akaomarara kuitira kuti huwori hwakadai husaitike zvakare.

Bhodhi rekambani iyi rakazivisa nezuro manheru kuti rakamisa basa Amai Namasau naVaDube mushure mekunge pabuda nyaya dzekuti vakuru vakuru vekambani iyi vaitambira mari dzinotyisa zvekuti VaDube pachavo vaitambira mazana maviri nemakumi matatu ezviuru zvemadhora pamwedzi.

Amai Labode vanoti kunze kwekusungwa kwenhengo dzebhodhi rePSMAS pamwe naVaDube, vanhu ava havafaniri kupinzwa mumabhodhi emakambani anoshanda neveruzhinji.

Vati komoti yavo inoshushikana chose kuti vazhinji vanoshandisa kambani yePSMAS vari kutadza kurapwa kuzvipatara pamwe nekutenga mishonga sezvo kambani iyi iri kutadza kubhadhara zvipatara izvi asi ichitambirisa vamwe vashandi mari dzakapfurikidza mwero.

Vatiwo zvinoshamisa kuti izvi zvaitika apo sachigaro webhodhi rekambani iyi, Amai Namasasu vari mushandi mukuru mubazi rezvemari.

Bhodhi iri rine vamwe vashandi vakuru vehurumende vanosanganisira munyori mubazi redzidzo yekutanga, Amai Constance Chigwamba, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko zvakare vari mutauriri wemutungamiriri wenyika, VaGeorge Charamba, nemukuru anoona nezvemari mubazi redzidzo yepamusoro, VaGeorge Chabururuka.

Amai Labode vanoti Amai Namasasu vanofanira kuferefetwa vosiya zvakare basa ravo kuhurumende.

Vati panofanirwa kuitwa ongororo yemashandisirwo aiitwa mari kuPSMAS uye vese vaiita huwori vanofanirwa kusungwa.

Imwe nhengo yekomiti iyi, VaAldrin Musiiwa, vati zvichitevera kusashandiswa zvakanaka kwemari nekambani iyi vashandi vehurumende vanofanira kuregwa vachienda kunoshanda nemamwe makambani anoita zvekubatsirawo vanoda kurapwa.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, kana mutevedzeri wavo, VaPaul Chimedza, kuti tinzwe did ravo panyaya iyi.

Zvichakadai veHealth Services Board, avo vanopinza basa vashandi vese vezvehutano munyika vati Zimbabwe ine vashandi vehutano vashoma chose kana zvichienzaniswa nevashandi vanofanira kunge iinavo sezvinodiwa nesangano rinoona nezvehutano pasi rese reWorld Health Organisation.

Sachigaro webhodhi iri, VaLovemore Mbengeranwa, vaudza komiti inoona nezvehutano kuti bazi rezvehutano rinofanira kuwedzera vashandi vanodarika zviuru gumi kuti rikwanise kupa vanhu vese hutano hwavanoda munyika.

Vati pari zvino bazi rezvehutano harina vashandi vakakwana zvichitevera chisungo chehurumende chekumbomisa kupinza vanhu basa chakaitwa muna 2010 pamwe nezvimwe zvikonzero zvakaita sekuti mari dzinotambiriswa vashandi vezvehutano ishoma.
XS
SM
MD
LG