Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Madzimai Kuongororwa Gomarara Nguva Ichipo


Nemusi weSvondo pasi rose rakacherechedza zuva reWorld Cancer Day
Nemusi weSvondo pasi rose rakacherechedza zuva reWorld Cancer Day

Nyanzvi mune zveutano dzinoti madzimai mazhinji ari kunonoka kunoongororwa gomarara rechibereko vachizoenda nguva yapera.

Nyanzvi idzi dzinoti kunodiwa dzidziso yakanyanya sezvakaitwa pachirwere cheHIV/AIDS.

Munguva shoma yapfuura chipatara cheParirenyatwa change chichiongorora gomarara remuromo wechibereko pamwe nekurapa pachena avo vanga vachiwanikwa vaine dambudziko iri kana richangotanga.

Vachitaura neStudio 7, mukoti mukuru (Sister in Charge) kukirinika yeVIAC paParirenyatwa, Amai Bernardette Mandaza, vanoti kunyangwe zvazvo chirongwa chavo chaive chakanangana neavo vane gomarara richangotanga, vakasangana nemadzimai mazhinji aive atove negomarara rakomba.

Amai Mandaza vanotiwo kunyangwe zvazvo dambudziko guru rinoita kuti madzimai asaongororwe gomarara rechibereko iri nyaya yekushaya mari pamwe nekushaya ruzivo, chimwe chikonzero inyaya yekuti gomarara iri rinobata madzimai panhengo yakahwanda iyo vazhinji vasingadi kuti vatariswe.

Mukuru wekomiti yeParamende inoona nezveutano, Doctor Ruth Labode, vanotsigirawo kuti madzimai mazhinji ari kunonoka kunoongororwa gomarara rechibereko iri nekuda kwehurombo, kuve nezvipatara zviri kure pamwe nekutoshaya zivo kwevanhukadzi.

Doctor Labode vanotiwo chave kudiwa pari zvino kuwanisa madzimai dzidziso nguva dzese, vachiti ruzivo rwegomararara repachibereko rwakaparidzirwa sezvakaitwa chirwere cheHIV/AIDS zvinobatsira kusimudzira hutano hwemadzimai munyika.

Nzira dziri kunyanyoshandiswa kuongorora gomarara remuromo wechibereko ndedze Pap Smear neVIAC. Vanhukadzi vanoshandisa nzira idzi vanofanirwa kuongororwa kamwechete pamakore matatu.

Asi kwavewo nenzira yekushandisa Human Papilloma Virus Screening (HPV), inova yave kukurudzirwa pasi rese sezvo ichibata hutachiona uhwu zvakanyanya.

Nzira iyi ine mutengo uripakati pemadhora makumi matanhatu kusvika kumadhora makumi manomwe nemanomwe, iyo inonzi nevamwe inoremera vazhinji. Madzimai anoongororwa gomarara kamwe mumakore mashanu.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG