WASHINGTON D.C. —
Ongororo yeMass Public Opinion inoratidza kuti vanhu havasi kufara negwara renyika asi vanongovhotera zvavo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Hurumende yoronga kukurudzira makambani anochera zviwanikwa kuti aderedze huwandu hwemagetsi aanoshandia nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana senzira yekuchengetedza magetsi.
Vanhu vakasungwa kuCaledonia kunze kweHarare nezuro vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa nezvechirongwa chekuendeswa kweupfumi kuvatema chichitungamirirwa negurukota rebazi iri VaPatrick Zhuwawu.
Iyi ndiyo misoro yedu yenhau dzanhasi. Musakanganwa kuti munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080 ne 15460 Kilohertz paShortwave kana paFacebook peji yedu yeVOA Shona.