Accessibility links

Breaking News

Britain Inopa Zimbabwe $82m Ichashandiswa Munyaya dzeHutano


MH 370 British flag
MH 370 British flag

Sangano rinomirira Britain munyaya dzerubatsiro reUK Aid kuburikidza nebazi reDepartment for International Development (DFID) rapa hurumende yeZimbabwe mamiriyoni makumi masere nemaviri emadhora kuti ibatsirikane munyaya dzehutano.

Vachitaura mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi, mutevedzeri wegurukota rezveutano, VaAldrin Musiiwa, vati mari iyi ichapinda muhomwe yehurumende yeHealth Development Fund huye inotarisirwa kubatsira munyaya dzehutano hwevana, madzimai akazvitakura, kuwaniswa mishonga muzvipatara pamwe nekubatsira muzvirongwa zvekuronga mhuri.

Kunyange hazvo Zimbabwe ichishoropodzwa nekusazadzisa chibvumirano cheAbuja Declaration chekuti pabhajeti renyika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zviende kubazi rehutano, VaMusiiwa vati kunyange izvi zvikaitwa, mari yacho haikwani sezvo bhajeti renyika riri diki zvichienzaniswa nemari inodiwa kubazi ravo pagore.

VaMusiiwa vati bazi ravo rinoda mari inosvika bhiriyoni imwe chete kuti vafambise mabasa ezveutano zvakanaka.

Mukuru weUNICEF muZimbabwe, Dr Mohamed Ayoya, vatendawo zvikuru nerubatsiro rwapiwa bazi rezveutano vakati izvi zvichabetsera kuti Zimbabwe idzivirire pamwe nekurwisa zvirwere. Asi Dr Ayoya vakurudzira Zimbabwe kuti iise mari yakawanda kumapazi ane chekuita nekusimudzira hupenyu hwevanhu akadai sehutano kuitira kuti kuve nebudiriro. Vatiwo hazvifadzi kuti mari zhinji inoshandiswa mubazi rezveutano inobva kumasangano akazvimiririra.

Izvi zvatsigirwawo nemukuru weDFID muZimbabwe, Amai Annabel Gerry, avo vati mari inopiwa kubazi rezveutano ishoma zvikuru zvichitariswa chiga chehurumende chehutano kumunhu wese. Amai Gerry vatiwo mari zhinji iri kupiwa kubazi iri iri kuenda kumihoro zvichisiya veruzhinji kusanganisira varombo kuti vabuditse mari pese pane chekuita nezvekutariswa hutano.

Amai Gerry vakurudzira bazi rezveutano kuti rione kuti mari iyi yashandiswa zvakanaka huye nemazvo. Vati vane tarisiro yekuti Zimbabwe ichadzivirira zvirwere zvinotapuriranwa izvo zvinoramba zvichinetsa munyika pamwe nekuona kuti kunyange vari kumamisha vari kuwana zveutano zvakakwana pasina mari zhinji yavanobvisa.

Mari iyi ishandiswa mukati memakore maviri huye zvimwe zvezvinotarisirwa mukupera kwechirongwa ichi kukwidza huwandu hwemadzimai anonoongororwa gomarara rechibereko, kuwedzera huwandu hwemadzimai nevanasikana vanowana mishonga mushure mekubatwa chibharo kana kupinda munjodzi yemhirizhonga maawa makumi manomwe nemaviri asati apera. Mari iiyi inotarisirwawo mukubatsira kuwedzera huwandu hwevana vanowana Vitamin A supplements huye kuwedzera huwandu hwevana vanenge varapwa vakapora mudambudziko rekusawana zvekudya zvakakwana pamwe nekuwanisa vechidiki vanoda zvirongwa zvekuronga mhuri.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG