Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoisa Parutivi Mari Inodarika Mabhirioni Maviri neChidimbu yeKurwisa Njodzi


Amai Monica Mutsvangwa

Hurumende yakazivisa kuti yatanga gadziriro yenjodzi dzingangowira nyika panguva yekunaya kwemvura gore rino nerinouya.

Vachinyora paTwitter, gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati hurumende yagadzira chirongwa chekurwisa njonzi, kana kuti ‘National Contingency Plan for the 2020/2021 Rainfall Season’, kuitira kuti nyika idzivirire kana kubatsira kana pakaitika njodzi dzakafanana nekuwanda kwemvura, dutumupengo kana chimvuramabwe.

Amai Mutsvangwa vakati hurumende yabvuma kuisa mari inoita mabhirioni maviri nezviuru mazana manomwe emadhora emu Zimbabwe (ZW $2.7 billion) kuti ishandiswe kubatsira vanhu nekukurumidza kana pakaita njodzi.

Nyanzvi munyaya dzechikafu uye vakambove mukuru wesangano reChristian Care, Reverend Forbes Matonga, varumbidza hurumende vachiti njodzi dzakakonzerwa nedutumupengo reCyclone Idai dzakadzidzisa nyika kuti igare yakagadzirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG