Accessibility links

Breaking News

Nherera Dzowaniswa Cheuviri kuManicaland Kuti Dzizviriritire Mune reMangwana


Mollen Chisenwa
Mollen Chisenwa

Nherera nevana vanoshaya mudunhu reManicaland vari kupihwa nemasangano akazvimirira mbudzi hadzi diki, kana kuti sheshe, kuitira kuti vadzirere dzichiberekana vachizodzitengesa kana voda mari dzekuzvibhadharira chikoro.

Mollen Chisenwa ari muGrade 6 paChinaa Primary School kuChipinge. Mollen inherera inochengetwa naambuya vake avo vanochengetawo dzimwe nherera pfumbamwe.

Mollen Chisenwa
Mollen Chisenwa

Mollen anoti aitambura zvikuru kuti awane mari yechikoro, asi zvinhu zvava kumurerukira sezvo ave nembudzi dzake nhatu zvekuti kana ave kuda mari yechikoro, anotengesa imwe yembudzi dzake.

Mollen, uyo anoti anoda kuzova mukoti kana akura, anoti haachafungisisa nezvehupenyu hwake sezvo achiziva kuti nembudzi dzake, anokwanisa kuzviendesa kuchikoro.

Mbuya Sarah Mabhihana ndivo vanochengeta Mollen, uye vane makore makumi manomwe.

Mbuya Mabhihana vanoti vakashaikirwa nevana vavo vose, vakasiirwa vazukuru vavari kchengeta ava.

Vaviri vevazukuru vavo, kusanganisira Mollen, vakapiwa mbudzi dzekuchengeta, idzo vanozotengesa kana dzabereka kuitira kuti vawane mari yechikoro.

VaGondai Chikangaise vanotungamirira sangano rakazvimiririra rinonzi Community Organisation for Poverty Alleviation in Zimbabwe (COPAZ). COPAZ nderimwe ramasangano ari kubatsira nherera nevanoshaya kuburikidza nekuvapa mbudzi idzi kuChipinge.

VaChikangaise vanoti nguva yapfuura iyi vange vachibatsira vana nemari yechikoro asi sezvo chirongwa ichi chiri kupera muna 2017, vakati vakapa vana mbudzi kuti vakwanise kuramba vachienda kuchikoro kunyange vasingachavabatsiri nemari.

Sangano iri rakatanga chirongwa chekupa mbudzi muna 2015, uye rinoti vana zana nemakumi mashanu nevashanu ndivo vakapihwa mbudzi dzekurera.

Muzvare Mirirai Nyabvure, avo vanoshanda nesangano rakazvimirira rega reSimukai Child Protection, vanoitawo chirongwa chekupa nherera nevanoshaya mbudzi kuDora kwaMutare.

Mirirai Nyabvure
Mirirai Nyabvure

Muzvare Nyabvure vanoti havatarisire kuona vana vachitadza kuenda kuchikoro nekuda kwehurombo pavana vavari kushanda navo.

Masangano aya ari kubatsirwa ne IM Swedish Development Partner, iro rine chinangwa chekupedza hurombo muvana vanoshaya nenherera.

Chirongwa chembudzi ichi chiri kutarisirwa kuti chiite kuti vana ava vasarambe vakatarisira kubatsirwanemasangano akazvimiririra, asi kuti vazvibatsire nekurera mbudzi idzi zvine hungwaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG