Accessibility links

Breaking News

Mutengo weMafuta eDzimotokari Unokwira Zvakare Mukati meSvondo


Mafuta epeturu nedhiziri akakwira zvakare musi kutanga kwemwedzi uno, mushure mekukwira kaviri muna Chikunguru.
Mafuta epeturu nedhiziri akakwira zvakare musi kutanga kwemwedzi uno, mushure mekukwira kaviri muna Chikunguru.

Boka rinoona nezvemhando dzemoto, reZimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, rakazivisa zvakare kuti mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari epeturu nedhiziri wakwira zvakare kutanga nhasi.

Peturu yakwira kubva pamadhora mapfumbamwe ane sendi rimwechete kuenda pamadhora mapfumbamwe ane masendi mapfumbamwe parita, kuchitiwo dhiziri raenda pamadhora mapfumbamwe ane masendi makumi maviri nemanomwe, kubva pamadhora mapfumbamwe ane masendi matanhatu parita.

Kukwira uku kunouya mukati mesvondo rimwe chete mafuta aya akwidzwa zvakare mutengo.

ZERA inoti kukwira kwemitengo uku kwakonzerwa nemiripo inobhadharwa pakutakurwa kwemafuta aya kubva paanosiirwa nevanoatengesa, pamwe nemitero inobhadharwa pakupinza mafuta aya munyika pasi peStatutory Instrument 161 of 2019.

Nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti chinorwadza ndechekuti kukwidzwa kwemitengo yemafuta kasingaperi uku kuri kuitika svodno rega rega asi vashandi mihoro isiri kufamba.

Doctor Kanyenze vanotiwo chimwe chinorwadza ndechekuti kukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari kunokwidzawo mitengo yezvinhu zvose, uye mari dzinobhadharwa nevanokwira mabhazi nemichovha.

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG