Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vonyunyuta Vachiradzika Friday “Amayenge” Phiri kuZororo Memorial Park


Moses Chunga
Moses Chunga

Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira achitambira Caps United nema Warriors, Friday Phiri, akaradzikwa kumarinda eZororo Memorial Park neSvondo, asi paine mitauro.

Kunyange hazvo vakawanda vakataura nezvehunyanzvi hwaPhiri mazuva ayo aitambira Caps United nemaWarriors, vamwewo ndivo vakatora nguva iyi kuchema kuti venhabvu havana kupa Amayenge rubatsiro urwo aifanira kuwana panguva iyo aive mupenyu.

Kubvira kune avo vaakatamba navo vakaita saCharles Sibanda, John Phiri, Carlos Max, Brenna Msiska, Sunday naMisheck Chidzambwa, nevamwe vakazotevera vakaita saNorman Mapeza, Nesbert Saruchera, Emmanuel Nyahuma, Biggie Zuze, nevamwewo vakaita semutungamiri weCaps United, VaFarai Jere, neavo vaimbove muridzi weCaps United, VaTwine Phiri, vese vakataura nezvekugona kutamba bhora kwaiitwa naPhiri.

Carlos Max, uyo atakatamba naPhiri mushure mekunge apinda muCaps United achibva kuArcadia United, anoti vashoma vatambi vaisvika pana Phiri zvese munhandare nekubatanidza vamwe.

VaJere vakati Caps United yarasikirwa zvikuru nekushaya kwaPhiri vachiti rufu urwu rwauya panguva iyo mhuri yemaGreen Machine yaive nehurongwa hwekupamhidzira Phiri pakati pevarairidzi vavanavo pari zvino.

Asi Moses Chunga, uyo aimbove kaputeni wemaWarriors, ari kuchema kuti venhabvu vanozotarisa nezvemunhu panguva iyo anenge afa kwete achiri mupenyu.

Chunga anoti Phiri haana kuwana kana rubatsiro urwo aifanira kuwana achiri mupenyu.

Sachigaro weZimbabwe National Soccer Coaches Association, VaBeki Nyoni, vanoti zvinorwadza zvikuru kuti venhabvu vanongoda mutambi panguva iyo anenge ari munhandare, vokanganwa nezvake kana nguva yake yekuzorora yasvika.

Chiitiko ichi chauya panguva iyo, mumwe mutambi ane mukurumbira, George Shaya, ari kutsvaga rubatsiro muhurwere huri kumutambudza asi kuine vashoma chete vemunhabvu vari kucheuka kuchema uku.

Phiri, uyo ange ave nemakore makumi matanhatu, asiya mukadzi, Rose, nevana vatatu, David, Debra, naManfred.

Totarisa mitambo yekupera kwesvondo:

Chikwata cheHarare City chakapinda mufainari yacho yechitatu yeChibuku Super Cup kubvira makundano aya avambwa muna 2014.

Harare City yakaita izvi neSvondo mushure mekudambura Bulawayo City 1-0 nechibodzwa chakabva kuna Martin Vengesai izvo zvavasiya vatarisana nemukombe wavo wechipiri mushure mekutora mukombe uyu muna 2015, nekunge vambosvika mufainari muna 2014.

Mutauriri weHarare City, VaHope Chizuzu, vanoti vachitarisa nhoroondo yavo mumakwikwi aya, mukombe weChibuku Super Cup ndiwo mukombe wavanoti ndewavo.

Harare City ichasangana neHow Mine iyo yakazvambaradza Shabanie Mine 3-1 muBarbourfields Stadium neSvondo zvekare. Mitambo miviri iyi yakatambwa munhandare imwe chete iyi kuitira kukwezva chaunga.

Totarisa mitambo yeEnglish Premier League:

Manchester City yawedzera hutungamiri hwayo iri pamusoro petafura yeEnglish Premiership kusvika pamapoinzi mashanu mushure mekuzvambura Burnley 3-0 panguva iyo chikwata chiri kuvatevera, cheManchester United, chakarohwa 2-1 neHuddersfield.

Manchester City, iyo inorairidzwa naPep Guardiola, yave nemapoinzi makumi maviri nemashanu, mapoinzi mashanu pamusoro peManchester United neTottenham idzo dzakaenzana pamapoinzi makumi maviri kwatambwa mitambo mipfumbamwe.

Tottenham iyo yakapedza iri pachinhanho chechipiri mwaka wapera haisi kuitawo zvekutamba mushure mekurakasha Liverpool 4-1, mazuva mashoma shoma vachangobva kunoita mangange 1-1 neReal Madrid mumakundano eChampions League.

Chelsea neArsenal ndidzo dziri kutevera Tottenham nemapoinzi gumi nematanhatu mushure mekunge Chelsea yakatarika asi ndokuzokunda Watford 4-2, panguva iyo Arsenal yakashanya ndokunorova Everton 5-2.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi….

Southampton 1 West Brom 0

Stoke 1 Bournemouth 2

Swansea 1 Leicester 2

West Ham 0 Brighton 3

Newcastle 1 Crystal Palace 0

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG