Accessibility links

Breaking News

Kutenga Zvinhu neBitcoin Kwofarirwa muZimbabwe


bitcoin
bitcoin

Kushomeka kwemari munyika nekushaikwa kwemari yekunze kwava kupa kuti vamwe vanhu vatsvake nzira dzinoita kuti varerukirwe kutenga mari padandemutande vachishandisa hunyanzvi hwechizvino zvino mukutenga zvinhu kunze kwenyika.

Chirongwa chekushandisa mari padandemutande cheBitcoin chiri kuita kuti vanhu vakawanda vakwanise kutenga zvinhu kunze kwenyika.

Munhu anoshandisa khadhi rake rekubhanga kana Eco-Cash kutenga Bitcoin rinoenderana nemari yaanenge anayo mushure mekunge aona mutengo weBitcoin musi waanoda kuita izvi.

Mutengo weBitcoin unochinja nguva nenguva zvokuti neChina wainge uri pazviuru zvipfumbamwe nemazana mashanu emadhora. Vanhu vanokwanisa kutenga kutangira pachidimbu cheBitcoin zvichikwira, zvichienderanawo nemari yaunenge unayo.

Nyanzvi munyaya iyi, VaPardon Gatsi, vanoti veruzhinji vari kuona zviri nani kuchengetedza mari yavo nekutenga mabitcoins sezvo vasina chivimbo nemabhanga munyika ayo ari kutadza kuvapa mari dzavo.

VaGatsi vanoti Bitcoin imari inoshanda chete paindaneti, uye hapana mutemo unosungira mabhanga kutaura zvinofanirwa kuitwa nema Bitcoin.

Vatengi nevatengesi veBitcoin vanosangana padandemutande rinonzi Golix.io.

Mumwe mushandi weGolix, Muzvare Yeukai Kasangaya, vanoti pamusoro pekuchengeta dzavo paBitcoin, vanhu vanotengawo zvinhu zvekunze sezvo mari yekunze isiri kubatika.

Muzvare Kasangaya vanoti izvi zviri kurerutsira vanhu sezvo bitcoin richitengwawo ne Ecocash, kana bank transfer, izvo zvisingadi mari yemusvo.

Imwe nyanzvi munyaya dzakadai, VaTawanda Karombo, vatiwo chirongwa chekushandisa mabitcoin chakanaka zvikuru panguva iyo Zimbabwe yakatarisana nematambudziko emari. Vatiwo izvi zvinoratidza kuti Zimbabwe iri kufambirana nedzimwe nyika.

Kunyange hazvo dzimwe nyika dzakabudirira dzave nemakore anodarika mashanu dzichishandisa Bitcoin, zvizvarwa zveZimbabwe zvakatanga kushandisa nzira iyi muna 2015.

Muzvare Kasangaya vanoti huwandu hwevanhu vari kushandisa Bitcoin huri kuramba hwuchikwirira kunyange hazvo pachine kakutya muvanhu vakawanda vasati vava neruzivo nezve Bitcoin.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG