Accessibility links

Breaking News

Britain Yobatsira Varimi Vadiki muZimbabwe


VaJoseph Made
VaJoseph Made
Bazi rezvechikafu musangano reUnited Nations, reFood and Agriculture Organization, FAO, rabatana nebazi rekuBritain rinoona nezvebudiriro kunze kwenyika iyi, re Department for International Development, mukuparura chirongwa chemakore mana chemari inosvika makumi mana nemasere emamiriyoni emadhora.

Chirongwa ichi chichabatsira varimi vaduku munyika kuitira kuti vakwanise kurima chikafu chemhuri dzavo.

FAO inoti chirongwa ichi, icho chichabatsira vanhu vanodarika mazana matatu ezviuru, chichanyanyonangana nemadzimai uye chinenge chichida kuti vanhu varime zvirimwa zvinovapa pundutso zvavanokwanisa kutengesa uye vachizviwanira mabasa.

Pari kutarisirwawo kuti pagadziriswe pombi dzemadiridziro uye kuti varimi varime zvirimwa zvinokwanisa kukura kunyange mvura iri shoma.

Kushomeka kwemvura uye mbesa nezvimwe zvikwanisiro zvapa kuti sangano reWorld Food Program riti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri vanoda chikafu kusvika muna Kurume gore rinouya pavanenge vokohwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa ku FAO muZimbabwe, VaDouglas Manguda, vanoti chirongwa ichi chichabatsira mukupedza nzara munyika.

Gurukora rezvekurima, VaJoseph Made, vanotiwo vakanyorerana kare chibvumirano ichi ne FAO uye vanoti dzimwe hurumende dziri kuvimbisa kubatsirawo varimi vadiki munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG