Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvakatorerwa Vanhu neZIMRA Zvopihwa Vakavhiringwa neMafashamu


Hurumende yapa rubatsiro rwembatya nechikafu kuvanhu vakasara vasina pekugara mudunhu re Masvingo mushure mekunge dzimba dzavo dzakukurwa nemafashamu emvura akakonzerwa nemvura yaibva mudhamu reTokwe Mukosi.

Gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vati hurumende yawona zvakakodzera kuti itore mbatya pamwe nechikafu zvakabatwa nebazi re Zimbabwe Revenue Authority, kana kuti Zimra, kuvanhu vaipinza zvinhu izvi munyika zvisiri pamutemo kuitira kuti ibatsire mhuri dzisina chekubata kuTokwe Mukosi.

Rubatsiro rwehurumende urwu rwunosanganisira magumbeze, hembe, shangu pamwe nemafuta ekubikisa.

Nhengo inomirira Mwenezi mudare reparamende, Va Kudakwashe Bhasikiti, vatenda hurumende neruyamuro urwu vachiti senhengo yekomiti yakawumbwa nehurumende kuti itsvagire mhuri idzi rubatsiro, vachaona kuti zvose zvabviswa serubatsiro zvichasvika kumhuri dziri kuda rubatsiro urwu zvakakwana pasina chatsaudzirwa.

Va Bhasikiti vati pane hurongwa hwekuvakira vanhu ava dzimba dzekugara pamwe nekuisa mvura yemupombi mudzimba idzi kuti hupenyu hwevanhu ava husimukire.

Bazi rezvehutano riri kubatsirawo zvakare vanhu veku Tokwe Mukosi nekuvarapa zvichitevera kupararira kunonzi kuri kuita zvirwere panzvimbo dziri kugara mhuri idzi.

Zvinonziwo vana vazhinji havasi kuenda kuChikoro sezvo zvikoro zvakaiswa nehurumende kuti vana vemhuri idzi vadzidzire zviri kure zvikuru uye zvisina vadzidzisi pamwe nemabhuku.
XS
SM
MD
LG