Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanoda Rubatsiro kuMasvingo


Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti pachine mhuri mazana mapfumbamwe dzichiri kuda kubviswa munzvimbo ine dambudziko remafashamu emvura kuTokwe-Mukosi.

VaBhasikiti vanoti vanhu vakatarisana nedambudziko remafashamu emvura vanoda kubatsirwa nematende, zvekudya, mishonga uye zvikwanisiro zvevana vechikoro zvekudzidzisa.

Mafashamu emvura anonzi akasiya aparadza dzimba, zvipfuyo pamwe nezvirimwa.

VaBhasikiti vanoti pari zvino zvave pachena kuti dhamu reTokwe-Mukosi harisi kuzoparadzwa nemvura sezvo mvura iri kunaya yati dzikirei.

Hurumende yakatoisa chikumbiro chekuti inoda rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora iyo ichashandiswa mukubatsira vanhu ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG