Accessibility links

Breaking News

Vakavhiringwa neMafashamu Vowana Rubatsiro


Mhuri dzinosvika zana nemakumi manomwe neshanu mudunhu reMasvingo dzakaparadzirwa zvinhu zvavo nemafashamu eCyclone Dineo dziri kututuma nemufaro mukuru mushure mekubatsirwa nechikafu, machira pamwe nezvivakiso zvekupfiririsa matenga ezvikoro zvevana vavo.

Rubatsiro urwu rabva kukambani huru inogadzira shuga, ye Tongart Hullet, iyo yakabudisa mari inosvika zana nemakumi maviri ezviuru zvemadhora.

Vakuru vekambani yeTongaat Hullet vaparura chirongwa ichi mudhorobha reMasvingo vakapa bazi rehurumende rinoona nezvekufambiswa kemabasa muMasvingo zvinhu zvavakatenga.

Vagari vakakanganiswa nemafashamu vachapuwa hupfu, mafuta ekubikisa, usavi, sipo, pamwe nemagumbeze ekufuka apowo vana vavo vakaparadzirwa zvikoro vapihwa mazenge ekupfiririsa zvikoro zvakatorwa matenga nenhepo.

Mumirirri wevakaparadzirwa zvinhu nemafashamu, VaFanuel Hove, varatidzidza kufara zvikuru vachiti rubatsiro urwu rwauya panguva yavanga vatarisana nenhamo zvichitevera kukundikana kwakaita hurumende kuvabatsira kubva muna Kukadzi.

VaHove vati chikafu ichi chichaita kuti mararamiro avo achinje sezvo mhuri zhinji dzange dzave kunonga svosve nemuromo.

Vatiwo vanofara kuti vana vavo vave kuzokwanisa kuenda kuzvikoro zvakange zvaraparadzwa nemafashamu aya izvo zvakuzovakiridzwa nezvinhu zvakatengwa nekambani iyi.

Vanga vakamiririra Tongaat Hullet, Muzvare Adlaide Chikunguru, vati kambani yavo yakasiririswa zvikuru nekutambura kwakasara kuchiita vanhu vakakanganiswa kugara kwavo nemafashamu aya.

Rubatsiro urwu runouya mushure mekunge hurumende yabvuma kuti haikwanisi kubatsira vanhu vayo vakakanganiswa munyika mose ikapemha mari inosvika mamirioni maviri emadhora kubva kuvabetseri vakasiyana-siyana.

Vachitaurawo pakuparurwa kwechirongwa chekubatsira vanhu ava, vanoona nezvekufambiswa kwebasa muhofisi yegurukota reMasvingo, Amai Shuvai Mahofa, VaKudakwashe Machako, varumbidza Tongaat vakapomera mamwe masangano mhosva yekuuya nerubatsiro vachipesanisa vanhu mumaruwa.

VaMachapo vaenderera mberi vachikumbira rubatsiro kune mamwe masangano vachiti hurumende iri kukundikana kutsigira vanhu vakakanganiswa nemafashamu aya nenyaya yekushaikwa kwemari munyika.

Nzvimbo dzakanyanya kukanganiswa dzawana rubatsiro dzinosanganisa, Masvingo, Chivi, Chiredzi, Mwenezi pamwe ne Bikita

Sangano reUnited Nations rinoti vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi mashanu nemumwe vakashaya nemafashamu emvura aya uye vanhu zviutu zviviri vakaparadzirwa misha.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG