Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Voendeswa kuMatare neImwe Shoroma


First Lady Grace Mugabe at Politburo Meeting
First Lady Grace Mugabe at Politburo Meeting

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, nemwanakomana wavo, VaRussel Gorereza, vanonzi havasati vapindura mapepa akaturwa kudare redzimhosva vachipomera mhosva yekutora zvine chisimba dzimba nhatu dzeimwe shoroma yekuDubai.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, nemwanakomana wavo, VaRussel Gorereza, vanonzi havasati vapindura mapepa akaturwa kudare redzimhosva vachipomera mhosva yekutora zvine chisimba dzimba nhatu dzeimwe shoroma yekuDubai.

Asi shoroma iyi, VaJamal Ahmed, vanonzi vanombogara muZimbabwe dzimwe nguva kunyange hazvo vachibva kuUnited Arab Emirates.

Mumapepa akaturwa kudare reHigh Court svondo rino, Amai Mugabe nemwanakomana wavo vari kupomerwa mhosva yekutora dzimba mbiri kuAvondale uye imwe chete ku Borrowdale.

Zvinonzi vasori muhofisi yemutungamiri wenyika ndivo vanonzi vari kugara padzimba idzi.

Izvi zvinotevera kunetsana kunonzi kwakaitika mushure mekunge Amai Mugabe vatenga chishongedzo dzepamunwe, kana kuti mhete, ring, yengoda yemari inosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu nemakumi mashanu emadhora.

VaAhmed vanoti ndivo vakatsvaka munhu anogadzira nekuchenesa mhete yengoda iyi, vachishanda nemwanasikana wavo ari kuDubai.

Asi Amai Mugabe vanonzi vakazorova nhendeshure voti vave kuda kudzoserwa mari yavo.

Zvinonzi mari iyi yakaburitswa munyika pachishandiswa bhanga reCommercial Bank of Zimbabwe. VaAhmed vanoti vakayedza kudzorera mari iyi zvishoma nezvishoma asi vari kutyisidzirwa izvo zvapa kuti vatsvage rubatsiro rwematare.

VaAhmed vanoti pavakaendesa mapepa kuvasori vari padzimba dzavo vakayambirwa naAmai Mugabe kuti vasiyane nemwana wavo vachiti ngavarege kuita zvinhu zvavanozodemba mune remangwana.

VaAhmed vari kumirirwa nemagweta, VaTawanda Nyambirai naAmai Beatice Mtetwa.

Amai Mtetwa vaudza Studio7 kuti havana zvakawanda zvekutaura sezvo nyaya iri mudare. Asi vatenda kuti havasati vawana mhinduro kubva kuna Amai Mugabe.

Vatiwo nyaya iyi yakakwidzwa kudare zvechimbi chimbi.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mugabe kanawo VaGorereza kuti tinzwe divi ravo.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda neHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vati nyaya iyi inofanira kuongororwa neZimra pamwe neZimbabwe Anti-Corruption Commission sezvo isina kunyatsojeka kuti mari yakaburitswa zviri pamutemo here kana kuti kwete.

XS
SM
MD
LG