Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokumbira Kubatsirwa neBhanga remuAfrica


Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaita musangano neChishanu nemukuru weAfrican Development Bank kuchamhembe kweAfrica, VaEbrima Faal, umo vakumbira kuti bhanga iri kuti riwedzere rubatsiro rwarinopa kuZimbabwe munyaya dzemari yebudiriro nekutsigira makambani.

VaChinamasa vanoti bhanga iri ragara richibatsira Zimbabwe uye ndosaka vakwidza chikumbiro chavo chekuti riwedzere rutsigiro.

Vatiwo vazeya nyaya yekuti Zimbabwe ingabhadhare sei chikwereti chayo kubhanga iri nemamwe mabhanga akaita seWorld Bank kuitira kuti ikwanise kukwereta mari kubva kumabhanga aya nemutengo uri pasi sezvinoitwa nedzimwe nyika.

Vati kana izvi zvikaitika, zvinoreva kuti Zimbabwe inenge yave kukwanisa kukwereta mari yekuitisa mabasa ebudiriro pamwe nekuvandudza maindasitiri ayo.

Zimbabwe ine chikwereti chinodarika mamiriyoni mazana masere kuADB nechimwe chinodarika bhiriyoni imwe chete yemadhora kuWorld Bank ne International Monetary Fund, IMF.

Vatiwo Zimbabwe yakumbira ADB kuti itsigire mabasa ekurima muZimbabwe, maindasitiri pamwe nemabasa ezvekuchera zvicherwa zvakasiyana siyanana munyika.

Vati vana veZimbabwe havangatambure asi iyo nyika ine ghoridhe, mangoda nezvimwe zvicherwa zvakawanda. Vati vanoda kuti ADB ivabatsire kuumba nzira yekuti nyika ishandise zvicherwa izvi nekutsvaga mari yekuita mabasa ebudiriro nekusimudzira maindasitiri.

VaFaal vati bhanga ravo nderenyika dzemuAfrica uye rinotsigira nyika idzi zvisinei kuti dzine matambudziko akawanda.

Zimbabwe yave nemakore anodarika gumi isingadyidzane nedzimwe nyika nemabhanga akaita seWorld Bank ne IMF uye yakatanga kugadzirisa hukama hwayo nenyika idzi nemabhanga aya zvichitevera kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa muna 2009.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG