Accessibility links

Breaking News

Varimi Vovhiringwa neKushanduka kweMamiriro eKunze kuMaruwa


The fall armyworm can finish a whole cob of maize in a matter of days thus exposing Zimbabwean farmers to another year of food shortages as corn is their staple crop, in Zhombe, Zimbabwe, Feb, 2017. (S. Mhofu/VOA)
The fall armyworm can finish a whole cob of maize in a matter of days thus exposing Zimbabwean farmers to another year of food shortages as corn is their staple crop, in Zhombe, Zimbabwe, Feb, 2017. (S. Mhofu/VOA)

Varimi vekumaruwa kuchamhembe nekumabvazuva kweAfrica vanoti hurumende dzenyika idzi hadzisi kuita hurukuro navo kuti Africa ingarima kudya kwakakwana sei yakatarisana nematambudziko ekuchinja kwemamiriro ekunze ichishandisa nzira dzemuAfrica.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa muHarare, uchikokerwa nesangano reLa Via Campesina in Southern and Eastern Africa. Varimi vati hurumende dzemuAfrica dzinofanirwa kuchengetedza nzira dzekurima dzemuAfrica kwete kutora zvinobva kure.

Sachigaro wesangano iri, Amai Elizabeth Mpofu, avo vanotungamirirawo Zimbabwe Small-Holder Farmers Forum, vatiwo varimi vekumaruma muAfrica havasi kukosheswa sezvinoitwa varimi vemapurazi makuru.

Sangano iri rinotiwo rinoda kuti hurumende dzemuAfrica dzisakurudzire kurimwa kwembeu dzakauchikwa vachiti mbeu idzi hadziunze hutano hwakanaka muvanhu.

Amai Mpofu vatiwo kunyange hazvo chibvumirano chekurima cheMaputo Declaration chichiti zvikamu gumi kubva muzana zvemabhajeti enyika, zvinofanirwa kubatsira varimi, varimi vekumaruwa havasi kuwana rubatsiro urwu.

VaBenedict Aminer, vanomiririra Kenya Peasants League vatiwo nzira zhinji dzekurima dzinoshandiswa nevarimi veminda mirefu dzinokuvadza nharaunda nezviwanikwa asi hurumende dzemuAfrica hadzima zvadziri kuita kugadzirisa dambudziko iri.

Sangano iri rinotiwo ranyora tsamba dzenyunyuto munyaya dzemabatirwo ari kuitwa varimi vekumaruwa dzichaendeswa kuSADC neComesa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG