Accessibility links

Vagari Vovhenekwa Maziso Pachena muDzivaresekwa


Eye screening in Dzivaresekwa

Vamwe vagari vekuDzivarasekwa vanoti vakafara zvikuru neMugovera apo vakavhenekwa maziso avo pachena vachibatsirwa nesangano reLion’s Club of Harare West.

Vagari vekuDzivarasekwa vanoti aka ndokekutanga vachiwana rubatsiro rwakadai pachena mumusha wavo.

Mumwe mugari wemuDzivaresekwa, Mbuya Sithembeni Bimha, avo vane makore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa, vakakwanisa kuuya kuDzivarasekwa Community Hall vachitungamirwa nemuzukuru wavo nekuda kwekuti havachaoni.

Mbuya Bimha vanoti kunyange hazvo vave nemakore vasingachaoni, vanoti vange vasina mari yekuenda kwana chiremba kunoongororwa.

Gogo Judith Brown vanoti vange vave nemakore matatu vachinzwa mumaziso avo kunge mune jecha.

Gogo Brown vanoti vaive votyirwa kupofomara sezvo vanga vasina mari yekuenda kuna chiremba wemaziso. Gogo Brown vanoti rubatsiro rwavakawana pachena urwu rwakavakoshera.

Mumiriri weDzivarasekwa mudare reparamende, Amai Omega Hungwe, vanoti nekuda kwekuoma kwehupenyu vagari vazhinji vavanomiririra vanoshaya mari dzekunorapwa zvekuti vanochengeta zvirwere kusvika zvakura.

Munyori muLion’s Club of Harare West, Muzvare Cynthia Rurevo, vanoti huwandu hwevanhu vavakabatsira neMugovera hunoratidza kuti vanhu vakawanda havasi kukwanisa kuwana kodzero yehutano.

Mukuru waana chiremba vakapa rubatsiro kuvagari vekuDzivarasekwa, Dr Boniface Macheka, vanoti ruzhinji rwevanhu vavabatsira vange vasingazivi udzamu hwedambudziko ravo remaziso.

Dr Macheka vanoti dambudziko retsanga mumaziso ndiro guru muvanhu vavakabatsira.

Dr Macheka vanoti sana chiremba vachatsvaka mari dzekuti vakwanise kubvisa tsanga kune avo vakawanikwa vanadzo. Kungotariswa maziso kuti kuzivikanwe kuti dambudziko nderei kunoda mari iri pakati pemakumi mashanu emadhora kusvika zana.

Kubviswa tsanga kuzvipatara zvehurumende kunodawo mari iri pakati pezana remadhora rine makumi mapfumbamwe kusvika kumazana maviri emadhora

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG