Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodzinga Vanhu Mumapurazi Ari Kupihwa Varimi Vachena?


Masvingo evictions
Masvingo evictions

Hurumende iri kuenderera mberi nekudzinga vanhu mumapurazi avagere zvichitevera kupa kwayaita magwaro ekubvisa mhuri dzinodarika zana papurazi reMapinga kuMashonaland West.

Mhuri dziri kunzi dzibve papurazi iri dzinoti dzakatanga kugara papurazi iri muna 2000, dzikazopihwa matsamba ekuti dzigare panzvimbo iyi uye munhu wega aizoganhurirwa nzvimbo yake kana zvinhu zvagadzikana.

Asi vanhu ava vanoti vave kushamisika nekupihwa matsamba ekuti vabve pavagere vachiti hapana mumwe musha wavanoziva kunze kwepapurazi apa.

umwe mugari, VaDickson Chikomo, vanoti vave nemakore gumi nemasere uye vakavimbiswa kuti vachagariswa zviri pamutemo papurazi apa.

VaChikomo vanoti vanhu vari kumanikidzwa kusaina nekutya sezvo panenge paine mapurisa anenge akapakatira pfuti.

Mumwe mugari wepapurazi apa, VaMichael Nyakununuwa, vanoti vakamanikidzwa kusaina tsamba yekuti vabve papurazi.

VaNyakununuwa vanoti havana kwekuenda sezvo vakaberekerwa papurazi reMapinga.

VaMisheck Tom vanoti mwana wavo ndiye akamanikidzwa kutambira tsamba yekuti vabve papurazi.

Mumwe mugari, Amai Irene Chabata, vanoti vave nemakore gumi nematanhatu vari papurazi apa nekudaro havana kwekuenda.

Mukuru webazi rezveminda kwaZvimba, VaGorden Kimbini, vati hurumende ndiyo iri kubvisa vanhu munzvimbo dzehurumende vachiti hurumende yakazivisa nezvedanho iri mwedzi mishoma yapera.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, VaClemence Mbgweazara, vanoti mapurisa akakumbirwa nebazi rezveminda kuti vavachengetedze apo vanenge vachipa magwaro ekubvisa vanhu muminda iyi sezvo nguva dzakawanda pachita mhirizhonga.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti zviri kuitwa nehurumende zvinotyora bumbiro remitemo yenyika iro rinorambidza kubviswa kwevanhu munzvimbo dzavanenge vakagara vasati vawanirwa kwekunogara kutsva.

Zviri kuitika kuMashonaland West zviri kuitikawo mumatunhu ose ari munyika.

Masvondo mashoma apfuura, dzimwe mhuri dzinodarika zviuru zvitatu dzakadzingwa kuChemagora, Sikombela, Bhadha neSibusiso kuGokwe mudunhu reMidlands.

Izvi zviri kuitikawo kuChegutu, kuMazowe mudunhu reMashonaland Central pamwe pamwe nekuTriangle kuMasvingo.

Mhuri dzinodarika chiuru dzakapihwa magwaro ekuti dzibve mumapurazi adziri kugara repaMuzaro kuMasvingo kwakare.

Pavakadomwa segurukota rezveminda, VaPerrance Shiri, vakazivisa kuti vanhu vose vari mumapurazi avagere zvisiri pamutemo, vachabviswa, vodzokera kwavakabva.

Vanhu ava vakabvuta mapurazi evachena muna 2000 apo vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati vose vainge vari mumapurazi aya, vagare pasina anovabvisa.

Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakatorera VaMugabe chigaro muna Mbudzi 2017, vari kukoka varimi vachena vanoda kudzoka kuzorima mumapurazi aya kuti vazivise hurumende yavo.

Pane mashoko ekuti vamwe varimi vechichena vakatopihwa mapurazi akabviswa vanhu vakanga vazvigarisa mumapurazi aya

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kusangano revarimi vechichena, reCommercial Farmers Union, kana kuhurumende, kuti varimi vangani vadzoka vachipihwa minda yekurima nehurumende yaVaMnangagwa.

Asi vanoziva zviri kuitika vanoti hurongwa hwekudzosera vachena mumapurazi huri kuitika panguva iyo hurumende iri kuedza kuunganidza mari yekubhadhara varimi vechichena vakatorerwa minda yavo nechisimba pasi pehurumende yaVaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG