Accessibility links

Breaking News

EU Yobatsiea Vechidiki neMamiriyoni Mashanu eMadhora


Mireza yeEU
Mireza yeEU

Sangano reEuropean Union neChishanu razivisa kuti richashandisa mari inodarika mamiriyoni mashanu emadhora mumabasa ekusimudzira vechidiki pamwe nekuvapa mukana wekupinda muzvirongwa zvebudiriro munyika.

Mugwaro raburitswa nemuzinda wesangano iri muHarare neChishanu, European Union yati mari iyi ichapihwa kumasangano anoshanda akazvimirira, makanzuru pamwe nemakambani akazvimirira kuti ashande nevechidiki kuvapa mukana wekuti vaite mabasa ebudiriro kuti vazvisimudzire mukurarama kwavo.

EU inoti panofanira kuve nemikana yakaenzana uye vechidiki vanofanira kupihwa mukana wekushandisa zviwanikwa, kuwaniswa mabasa nemikana yekutangawo mabhizimisi avo.

Mukuru weChitungwiza Residents Trust, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio7 kuti zvinofadza kuti apo zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika, pane dzimwe nyika dziri kurangarira vechidiki munyika.

Mukuru wesanganio reYouth Forum, VaWellington Zindove, vanoti zvinotendwa kuti sangano reEU rinoramba richibatsira vechidiki munyika umo mune kutambura kukuru.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti rubatsiro rweEU rwakanaka chose sezvo rune chinangwa chekubatsira vechidiki avo vakasarira zvikuru muzvirongwa zvebudiriro.

Sangano reEU rinoti donzvo guru raro kubatsira kupedza hurombo muZimbabwe uye kuti vanhu vagare zvakanaka, pasina mhirizhonga kana hudzvanyiriri.

Kunze kwerubatsiro kune vechidiki, EU inotsigirawo Zimbabwe nekutenga chikafu, mabasa ekuwanisa vanhu mvura yakachena nezvimwe zvakawanda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG