Accessibility links

Breaking News

Muzvare Lungisani Voshupika Veruzhinji Vakatarisa


Anna Lungisani sitting taking a rest. (Photo: Safari Njema)
Anna Lungisani sitting taking a rest. (Photo: Safari Njema)

Muzvare Anna Lungisani, avo vane makore makumi matatu nematanhatu havaone uye vanorarama nehutachiona hweHIV.

Munhu anorarama nehurema uye aine HIV anosangana nematambudziko akawanda muhupenyu kusanganisira kushaya chouviri.

Muzvare Anna Lungisani, avo vane makore makumi matatu nematanhatu havaone uye vanorarama nehutachiona hweHIV. Vanogara ku Overspill ku Epworth.

Muzvare Anna, avo vakambenge vakaroorwa, vakatanga kusaona vave nemakore makumi maviri nemapfumbamwe mushure mekushaya kwemurume wavo.

Pari zvino vari kugara nababa vavo Va Aiwell Lungisani avo vane makore makumi matanhatu nemapfumbamwe, uye vakashayakirwa nemudzimai wavo mugore ra 2003.

Semunhu anorarama neHIV,Muzvare Lungisani vanofanira kunoongororwa nguva nenguva pa Epworth Polyclinic.

Asi izvi zviri kuomera mhuri iyi nekuti vedzimotokari vanenge vachida kubhadharwa mari dzinopfuura gumi remadhora panguva yega yega yekushanya.

Muzvare Anna vanoti vanogumisira vodarika kuonekwa, zvinova zvinoita kuti marapirwo avo aite ekufungidzira nedzimwe nguva.

Pamusoro pezvo Muzvare Lungisani vanofanira kuwana kudya kunovaka muviri, asi zvese izvi hazvizokwanisika nemari iri pasi pasi inotambirwa nababa vavo. Pabasa ravo semugariri, vanotambiriswa makumi masere emadhora pamwedzi.

Muzvare Lungisani vane dambudziko zvekare rekushaya zvekusimira.

Vavakidzani vaimbobatsira, asi pari zvino vakuona dambudziko repamba apa richivaremera. Muzvare Lungisani vanoti izvi zvinogara zvichivadya moyo.

Nemazuva ari kure Muzvare Lungisani vanobatsiriswa pakugeza natete vavo vanogara makiromita gumi kubva pamba paVa Lungisani.

Zvinoti rerukei nguva dzehorodhi yekuvharwa kwezvikoro nekuti Rachel, munin’ina wavo anobva kubhodhingi ouya kuzogara navo. Rachel, uyo ane makore gumi nemaviri ekuberekwa anobata basa rakaoma achiriritira mukoma wake.

Rachel anoti paanodzokera kubhodhingi, pfungwa dzake dzinoramba dzichidzokera pahugaro hune mukoma wake.

Baba Lungisani vanoti dambudziko ravo raigona kureruka dai vemunharaunda vaimbopota vachivacheuka.

Baba Lungisani vanoti rimwe dambudziko riri kuvarovesa hana nderekuti kanzuru iri kuda kuvabvisa pavagere, yovaisa kumwe kwekutanga kuvakira imba.

Muzvare Takudzwa Nderere, avo vanozviitira mabasa ekutengesa tengesa zvakasiyana siyana vakapfuura nepamba paVa Lungisani vakabatikana nemamiriro ezvinhu pamusha apa.

Mumwe mutauriri webazi rehurumende rinoona nezvekubatsirwa kwevanotambura asina kuda kuburitswa zita rake anoti bazi iri pari zvino riri kungotarisa chete vanotambura vari kumaruwa nekuda kwekushayikwa kwemari.

Ati mabatsiriro chete avangangoita vanhu vakaita saMuzvare Lungisani ndeekutsvaga masangano akazvimiririra akaita sedzisvondo, angabvume kubatsira.

VaAlexander Rusero avo vanodzidzisa vatori venhau vari muHarare vanoti zvinoratidza kuti hurumende haineyi nekodzero dzevakaremara.

Zvinhu zvikaramba zvakadai vemunharaunda vachibata vakaremara vanorarama neHIV nekuseri kwemaoko, ukuwo hurumende isingatirimuke pamusoro pematambudziko avakatarisana navo, vakawanda vakaita saMuzvare Lungisani vacharamba vachitambura munyika ine bumbiro remitemo yenyika inosungira hurumende kubatsira vanhu vakaita saMuzvare Lungisani nevamwe vazere mumativi mana enyika.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG