Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inotanga Kubaya Vanhu Nhomba Yakabva kuChina


Zimbabwe Vice President Prepares for Covid 19 Vaccine
Zimbabwe Vice President Prepares for Covid 19 Vaccine

Hurumende yaparura neChina /kushandiswa kwenhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvichitevera kupihwa kwakaitwa Zimbabwe nhomba iyi nehurumende yeChina.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, ndivo vaita munhu wekutanga kubaiwa nhomba yeCovid-19 vachiteverwa nemutevedzeri wavo, VaJohn Mangwiro, pamwe nevamwe vakoti.

Vachitaura pakuparura kwavaita kushandiswa kwenhomba yeSinopharm iyi, VaChiwenga vati vane chivimbo chekuti kupararira kwechirwere ichi kwave kuzopera kana munhu wese munyika akabaiwa nhomba iyi.

Mukuru anoona nezvekurwisana nechirwere cheCovid-19 muhofisi yemutungamiri wenyika, Doctor Agnes Mahomva, vaudza Studio 7 kuti vari mubishi kutsvaga dzimwe nhomba kuitira kuti vanhu vese munyika vabaiwe.

Mumwe mukoti anoshanda pachipatara cheParirenyatwa uyo aramba kudomwa zita rake ati haasi kuzobaiwa nhomba yeSinopharm iyi achiti kushanda kwayo hakusati kwave kuvimbika.

Mumwe mugari wemumusha weBelvedere, Amai Shungu Chikandamina, vatiwo kutambirika kwenhomba yeSinopharm iyi kuchanetsa kana hurumende isina kupa veruzhinji mashoko akakwana nezvenhomba iyi.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Doctor Prosper Chonzi, vati vashandi vose vekanzuru yavo vachabaiwa nhomba iyi pasina rusarura uye vati vanamazvikokota vakaongorora nhomba iyi vakaona kuti inoshanda.

VaChiwenga vati nhomba iyi yatotanga kuendeswa kumatunhu ose munyika zvichitevera kuparura kwavayiita vachiti vane tarisiro yekuti nharaunda dzose munyika dzichange dzave nenhomba iyi svondo rinouya.

VaChiwenga vati nhomba iyi ichatanga kubaiwa vakoti, madhokotera, vanoona nezvehutano mumapazi anoona nezvekudzivirwa kwenyika vamwe vese vozotevera kumashure.

Nhomba zviuru mazana maviri dziri kubaiwa vanhu idzi dzakapihwa Zimbabwe pachena nehurumende yeChina uye hurumende inoti ine hurongwa hwekutenga dzimwe nhomba kuitira kuti nhomba idzi dzikwanire munhu wese anenge achida kubaiwa nhomba iyi.

VaMangwiro vakaudza dare reparamende nezuro kuti vanhu vachange vasingabaiwe nhomba iyi vana vari pasi pemakore nematanhatu, vanhu vane makore ari pamusoro pemakore makumi matanhatu, madzimai akazvitakura neari kuyamwisa, vanhu vane zvirwere zveshunga neavo vane HIV.

Vanhu vasati vapihwa nhomba iyi, vanotanga vaongororwa ropa ravo kuti harina zvirwere, kana riine zvirwere havapihwe nhomba iyi.

Zimbabwe yatanga chirongwa ichi panguva iyo chirwere cheCovid-19 chauraya vanhu vana nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa pachiuru nemazana mana negumi nevasere, kana kuti 1,418.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mana nemakumi maviri nevatatu, kana kuti 35423, zvichitevera kubatwa kwevanhu zana nevasere nezuro wakare.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vava zviuru makumi matatu nechimwe nemazana matanhatu negumi nevashanu, kana kuti 31615.

Vanhu vachii kurwara nechirwere ichi vava zviuru zviviri nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe, kana kuti 2390.

VaChiwenga vakurudzira veruzhinji kuti vatambire chirongwa chekubaiwa kwenhomba iyi vachiti zvinoita kuti pachengetedzwe hupenyu hweveruzhinji sezvo vanhu vakawanda vari kufa nechirwere cheCovid-19 pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG