Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yononoka Kubhadhara Chikwereti Chayo kuCMED


Hurumende nekomisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, zvine chikwereti chemari inodarika mamiriyoni gumi nemana emadhora kukambani yeCMED.

Izvi zvave kukonzera kuti kambani iyi itadze kuita basa rayo rakaita sekutengera mapazi ehurumende mafuta emotokari pamwe nekutenga motokari dzacho.

Mukuru wekambani iyi, inove kambani yehurumende, VaDavison Mhaka, vaudza komiti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu kuti ZEC ine chikwereti chemari inoita miriyoni nechidimbu chemadhora chemotokari dzayakatora ikashandisa pareferendamu uye haisati yabhadhara mari yese izere.

Vati kambani yavo yange yakaronga kutenga motokari zana dzekushandisa pasarudzo dzinotarisirwa kuita gore rino, asi vakati kusvika pari zvino, vakwanisa kutenga motokari makumi maviri chete nekuda kwekuti ZEC nehurumende hazvisi kuibhadhara.

Pavabudzunzwa kuti chikwereti cheZEC hachikwanisi kukanganisa sarudzo here, VaMhaka vati vachataura neZEC kuti ibhadhare chikwereti chayo kuti sarudzo dzifambe zvakanaka.

VaMhaka vati hurumende ine chikwereti chemafuta emotokari kuCMED chemari ingangosvike miriyoni remadhora uye izvi ndizvo zviri kuita kuti nzvimbo dzayo dzinotengesa mafuta aya mumadhorobha madiki dzivharwe.

VaMhaka vati kuvharwa kwenzvimbo idzi ndiko kuri kukonzera kuti mamwe mapazi ehurumende atenge mafuta edzimotokari kumakambani azvimiririra.
Asi vati dambudziko iri richapera munguva pfupi inotevera sezvo kambani yavo yave nerezenisi rekutenga mafuta kubva kunze kwenyika.

Kunze kwechikwereti chemafuta, VaMhaka vati hurumende ine chikwereti chemadhora mamiriyoni gumi nematatu chemari yekushandiswa kunoitwa mota dzayo nehurumende.

Zimbabwe inotarisirwa kuita sarudzo gore rino risati rapera uye hurumende iri mushishi rekuunganidza mari yekuti sarudzo idzi dziitwe.

CMED ikambani yehurumende inoita basa rekutengera mapazi ehurumende motokari nemafuta, kutenga michina yekugadzirisa migwagwa pamwe nekugadzira michina iyi nemotokari dzinenge dzisiri kushanda zvakanaka.

Asi nekuda kwekusabhadhara kuri kuitwa nehurumende, kambani iyi yave kutadza kuita basa rayo nemazvo uye izvi zviri kanganisa nhengo dzeparemende idzo dzave kupota dzichishaya mafuta emotokari pamagaraji ekambani iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG