Accessibility links

Breaking News

Kupesana paMakuriro eHupfumi Muna 2014 Koitika


Sangano reEconomist Intelligence Unit rinoti hupfumi hweZimbabwe huchati kurei zvishoma nezvikamu zviviri nezvidimbu zvina kubva muzana mugore rino.

Sangano iri rinoita ongororo munyika dzepasi rose munyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika uye rinoti nyaya iri kunyanya kunetsa muZimbabwe inyaya yekuti hapana kunyatsojeka pagwara rezvehupfumi sezvo.

Nyika dzemuAfrica dziri kutarisirwa kukura nezvikamu makumi mashanu nechidimbu chimwe kubva muzana.

Nyika dzemuAfrica dziri kutarisirwa kukura munyaya dzezvehupfumi dzinoti South Sudan, Sierra Leone, Libya, Eritria neZambia. Sangano iri rinoti kusajeka kwegwara rehupfumi kuri kupa kuti vekunze vanenge vachida kuuchika mari dzavo munyika vatadze kuita izvi.

Rimwe sangano rinoongorora nyaya dzezvehupfumi muZimbabwe nekuchamhembe kweAfrica, reEconometer Global Capital, rakaburitsawo ongororo yaro neChipiri iri kuratidzawo kuti zvinhu munyika hazvina kujeka munyaya dzezvehupfumi.

Sangano iri rinoti zvinhu zviri kuramba zvichioma pachitariswa kusamira zvakanaka kwezvinhu mumabhanga, huori uye kuvharwa kwemaindasitiri.

Rinoti nyaya yechikwereti chekunze chiri kuramba chichikura yopawo kuti zvinhu zvisamire zvakanaka munyika.

Sangano iri rinotiwo kusamira kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika ndizvo zvopawo kuti zvinhu zvisamire zvakanaka.

Sangano iri rinotiwo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakwegura uye hapana kujeka kuti ndiyani achatora chigaro chavo vakasiya basa.

Sangano iri rinotiwo dare remakurukota riripo rakakurisa uye harisi kuziva kuti rogadzirisa sei nyaya dzezvehupfumi.

Asi vachitura bhajeti ravo regore ra2014, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakati hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvitanhatu nechimwe kubva muzana gore rino.

Mukuru weEconometer Global Capital, VaChris Mugaga, vanoti pane zvinhu zvakawanda zviri kuda kugadziriswa munyaya dzezvematongerwo enyika nenyaya dzezve hupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG